2 Vanamakabhi 5 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

1Panguva yakareyo Andiokusi akapinda kundorwisa muIjipiti kechipiri.

2Zvakaitikawo kuti pamusoro peguta iroro rose, kwamazuva makumi mana paingoonekwa zvainge varwi vamabhiza vakapfeka hanzu dzendarama vachivherereka nomumhepo, vari muzvikwata zvikwata vakanyatsopakata zvakakwana, vaina mapfumo namapakatwa akatoburitswa muhara;

3zvikwata zvavarwi vamabhiza zvamirisana pachirwisana, divi iri neriri nhoo dzichisimudziranwa, mapfumo achinyaranyanduka kuchikandwa zvimwe zvokurwisa nazvo kuchipenya zvimwe zvainge zvokuteyesa zvendarama nezvombo zvokurwisa nazvo zvemhando nemhando.

4Naizvozvo vanhu vose vakanamata kuti zvakanga zvichiitika izvi zvive chiratidzo chezvakanaka zvichauya.

5Pakazomuka runyerekupe rwokuti Andiokusi wakafa, Jasoni akabva atora vanhu vasiri pasi pechiuru chimwechete ndokurwisa guta iri chimbichimbi. Zvikwata zvevarwi vaiva pamusoro porusvingo pavakaona kuti vamanikidzwa kudzoka uye kuti rwendo runo, guta rava kutokurirwa, Menerausi akandopotera munhare yokuzvidzivirira nayo muhondo.

6Asi Jasoni akaramba achingouraya vamwe vake vomunyika yokwake, asisambofunga kuti kubudirira kunowanika nokuuraya hama yako, mangwana ijambwa guru. Asi chaakanga achifunga ndechokuti ndiri kutozviwanira nhoo nokukurira vavengi asisavati vamwe vake vomunyika make.

7Zvakadaro zvazvo haana kukwanisa kutora umambo. Chaakazongowana nebangano rake iri akapedzesera ava munhu akafumuka ndokutizirazve kunyika yavaAmoni.

8Pakupedzesera akazoguma aona nhamo inosiririsa. Akaisa muusungwa naAretasi mutongi wevaArabhu achingodevanisa namaguta kutiza, vanhu vose ovengwa namaguta achidzingirirwa navanhu vose zvavo ovengwa semhandu yomutemo, achisemwa navanhu semhondi yenyika yokwake nevamwe vake vagari vomunyika yake. Akakandwa kumahombekombe kwegungwa muIjipiti

9ndokubva iye wakare nyakudzinga vazhinji munyika mavo chaimo achivaendesa kumwe kusiri kwavo, akafira kumwe kusiriwo kwake iye ambenge ari murwendo rwokuenda kune vokuRasedhaemonia achitarisira kuti angawane kwokupotera pamusana poukama hwavo.

10Iye nyakumborasa vakawanda zvokuti katakata vasina kuvigwa akashayawo nomumwe akamuchema. Haana kana kumbovigwawo zvakanaka, akashaya nzvimbo muguva ramadzibaba ake.

Kupamba zvinhu zvepaTemberi kwakaitwa naAndiokusi

11Kuzoti mashoko ezvakanga zvaitika asvika munzeve dzamambo, akafunga kuti zvinoreva kuti Judhia yapanduka. Nezvo, achivira neshungu akabva kuIjipiti akasvikoita chibvurebvure kurwisa guta iroro.

12Akaudza varwi vake kuti vauraye munhu wose wavaisanganidzana naye vasingambokatari vachiurayawo vainge vapinda mudzimba.

13Pakaurayiwa vakuru navadiki kukaparadzwa vakomana navakadzi navana, kwakauraiwa mhandara nepwere.

14Mumazuva matatu chete, makumi masere ezviuru zvavanhu vakaurayiwa. Zviuru makumi mana vakauraiwa mukurwa, vamwe vakawanda saivava vakatengeswa kuuranda.

15Andiokusi haana kumbogutsikana naizvozvi izvi, akatoitawo chivindi chokundopinda muTemberi inoeresesa pasi pano pose achitungamirirwa naMenerausi munhu akanga ava mupanduki kumitemo nokunyika yokwake.

16Namaoko ake akan'ora akatora midziyo inoera uye namaoko ake akan'ora iwayo, akakumba mipiro yezvakambotsidzwa yakanga yapirwa kuna Mwari namamwe madzimambo yokuitira kuti nzvimbo iyoyo ive nomukurumbira nechiremera.

17Andiokusi akaita zenze akaita kanguva kakati kuti asina kumbozviona kuti zvatoshatirisa Mwari pamusana pezvitadzo zvavaigara muguta iroro uye kuti naizvozvo akatenge achizvidza Nzvimbo Inoera.

18Asi dai kusiri kuti vakanga vane zvitadzo zvakawanda zvavakapara, murume uyu angadai akazvamburwa akadzorerwa achiregedzeswa zvaakanga amhanyirira kuzoita paakangoti uyei sezviya zvakamboitwa kuna Heridhorusi uya akambotumwa namambo Serukusi kuzoongorora maichengeterwa upfumi.

19Asi Tenzi haana kusarudza rudzi urwu rwavanhu pamusana peNzvimbo Inoera asi kutoti akasarudza nzvimbo iyoyi Inoera pamusana perwudzi urwu rwavanhu.

20Naizvozvo nzvimbo iyoyi pachayo yakatowirwawo nenhamo dzakawira rudzi urwu; mushure mezvo yakazowanawo makomborero arwo yambofuratirwa pakaviruka Samasimbaose nehasha ikadzorerwa pakare nomukurumbira wayo Tenzi mukuru–kuru paakazowadzana narwo.

Kuurayiswa kwakaitwa vaJudha naAndiokusi

21Saizvozvo Andiokusi akatakura mari yesirivha inorema matani makumi matanhatu nerimwechete ana makirogiramu mazana maviri muTemberi akabva akurumidza kuenda kuAndioku achizvitutumadza achizviti ndinogona kukwasva panyika nokufamba pagungwa, akanga afarisa.

22Akasiya aisa magavhuna okuonesa vanhu nhamo. MuJerusaremu, akaisa Firipi wechizvarwa chokuFirigia akanga aine utsinye kudarika munhu akamusarudza wacho.

23MuGerizimu, akaisa Andironikusi, akaisawo Menerausi akazoomesera vamwe vake vagari vomunyika yokwake zvakatoipisisa kupinda zvakamboitwa navamwe. Muutsinye hwake kuvaJudha,

24Andiokusi akatuma Aporoniusi mukuru mukuru wavarwi vokuMaisia aine hondo ine zvuru makumi maviri nezviviri zvavarwi, akamuti andouraya varume vose vakanga vasamhuka uye kuti atengese vakadzi navakomana senhapwa.

25Murume iyeyu paakasvika kuJerusaremu akaita zvake sokunge afambira zvakanaka ndokubva amirira kusvikira musi weSabata, paakaona vaJudha vasiri pabasa, akaudza varwi vake kuti varongane vapakate zvombo zvokurwisa nazvo.

26Akauraya namapakatwa munhu wose akanga auya kuzovaona ndokumhanyira muguta navarwi vake vane zvombo zvokurwisa ndokuuraya vanhu vakawanda kwazvo.

27Asi Judhasi Makabheusi navamwe vaikarosvika vapfumbamwe vakasvova vakaenda kurenje. Iye navamwe vake vakagara mumakomo semhuka dzesango. Vakaramba votopona nezvinomera musango vachiitira kuti varege kun'oreswawo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help