Ɀakazarurwa 15 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Ʋatumŋa ʋanomŋe ʋanendiro nomŋe.

1Ɀino ndakaʋona cimŋe ciratidzo kuɗeŋga, cikuru cinoshamisa, ici: Ʋatumŋa ʋanomŋe ʋanamaɗambudziko manomŋe okupedzisira, nokuti kutsamŋa kwaMŋari kwakapera nawo.

2Ndikaʋona cakaita seguŋgwa rinoʋonekera rakaveŋganiswa nomŋoto, naiʋo ʋakaʋuya ʋakunda cikara nomufananidzo waco, neciʋereŋgo cezita raco, ʋamire pamsoro peguŋgwa rinoʋonekera, ʋanoʋuɗimbga bgaMŋari.

3Ʋakaŋga ʋaciimba rwiyo rwaMosesi, muranda waMŋari, norwiyo rweGwaiana, ʋaciti: Ishe, Mŋari wamasimba ose, maɓasa enyu akakura, anoshamisa; Mambo wamarudzi, nzira dzenyu dzakarurama, ndedzaɀokwaɗi.

4Ndianiko uŋgarega kutya nokukudza zita renyu, Ishe? Nokuti imi moga muri mutȿene; nokuti marudzi ose acaʋuya, acinamata pamberi penyu; nokuti kururama kwenyu kwakaratidzwa.

5Shure kwaiɀoɀo ndakaʋona tembere yetabernakeri yoʋucapupu yokuɗeŋga yakazarurwa;

6mutembere mukaɓuɗa ʋatumŋa ʋanomŋe ʋanamaɗambudziko manomŋe, ʋakafuka muceka wakacena unopenya, ʋakasuŋgwa paɀifuʋa ɀaʋo namabanhire endarama.

7Ipapo cimŋe ceɀisikwa ɀipenyu ɀinna cakapa ʋatumŋa ʋanomŋe ndiro nomŋe dzendarama, dzizere nokutsamŋa kwaMŋari, iye mupenyu nokusiŋgaperi‐peri.

8Tembere ikazara noʋutsi bgunobva pakubginya kwaMŋari napasimba rake; kukasaʋa nomunhu wakagona kupinda patembere, kuȿikira maɗambudziko manomŋe aʋatumŋa ʋanomŋe apera.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help