Ɀireʋo 3 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Munhu ŋgaatye Jehova, aʋimbe naye, amuterere.

1Mŋanakomana waŋgu, usakaŋganwa kudzidzisa kwaŋgu;

Asi mŋoyo wako ŋgauceŋgete mirairo yaŋgu;

2Nokuti ɀicakuwedzera mazuʋa mazhinji,

Namakore oʋupenyu, norugare.

3Ruɗo neɀokwaɗi ŋgaɀirege kukusiya;

Uɀisuŋgire pamutsipa wako;

Uɀinyore pahwendefa romŋoyo wako;

4Nokuɗaro ucawana nyasha nenjere dzakanaka

Pamberi paMŋari naʋanhu.

5Ʋimba naJehova nomŋoyo wako wose,

Urege kusendama panjere dzako.

6Umutende panzira dzako dzose,

Agoruramisa makwara ako ose.

7Usaɀiti wakacenjera;

Itya Jehova, ubve paneɀakaipa;

8Ɀicaʋa mushoŋga womuʋiri wako,

Nomŋoŋgo wamafupa ako.

9Kudza Jehova neɀaunaɀo,

Ʋuye neɀitȿa ɀaɀose ɀawakawana;

10Ipapo matura ako acazadzwa neɀakawanda,

Makate ako acapfacuka newaini itȿa.

11Mŋanakomana waŋgu, usaɀidza kuraŋga kwaJehova;

Usaneta nokuraira kwake.

12Nokuti Jehova unoraira muɗikanwa wake;

Seɀinoita ɓaɓa mŋanakomana waʋo waʋanofarira.

Mufaro womunhu, wawana ʋucenjeri.

13Munhu, wawana ʋucenjeri, unomufaro,

Naiye munhu, unowana njere.

14Nokuti kuʋuwana ibgo kunopfuʋura kuwana sirveri;

Nokuʋufuma ibgo kunopfuʋura kufuma ndarama.

15Ʋunokosha kupfuʋura korari;

Hakunefuma yako iŋgaenzaniswa nabgo.

16Mazuʋa mazhinji oʋupenyu ari muruʋoko rwabgo rworudyi;

Muruʋoko rwabgo rworuɓoshwe munefuma nokukudzwa.

17Nzira dzabgo inzira dzeɀinofadza;

Makwara abgo ose ndoorugare.

18Ndiwo muti woʋupenyu kunaʋanoʋunamatira;

Mumŋe nomumŋe unoʋuɓata unomufaro.

19Jehova wakateya pasi noʋucenjeri;

Wakasimbisa kuɗeŋga‐ɗeŋga nenjere.

20Mvura iri makadzika yakadzutuka neziʋo yake;

Ƌeŋga rose rakaɗonha ɗoʋa.

21Mŋanakomana waŋgu, ŋgaɀirege kubva pameso ako;

Ceŋgeta ʋucenjeri caibgo nokuŋgwara.

22Ipapo ɀicaʋa ʋupenyu bgomŋeya wako;

Noʋukomba pamutsipa wako.

23Ipapo ucafamba nenzira yako wakasimba;

Rutsoka rwako haruŋgagumburwi.

24Kana uciʋata pasi hauŋgatyi;

Ʋuye kana waʋata pasi hope dzako dzicaʋa dzakanaka.

25Usatya hako civunduso cinokuwira kamŋe‐kamŋe,

Kunyaŋge kuparadzwa kwaʋakaipa, kana kuciȿika;

26Nokuti Jehova ucaʋa ciʋimbo cako;

Ucaceŋgeta rutsoka rwako, kuti rurege kuɓatwa.

Munhu ŋgaave nomŋoyo murefu nokutendeka.

27Munhu, wakafanirwa, usaramba kumuitira ɀakanaka

Kana ruʋoko rwako ruciŋge runesimba kuɀiita.

28Usati kunowokwako: Enda, ugodzoka ɀe,

Maŋgwana ndicakupa;

Kana uciŋge unaɀo’po.

29Usafuŋga kuitira wokwako ɀakaipa,

Ɀaanogara hake newe acikutenda.

30Usarwa nomunhu pasinemhoȿa,

Kana asina‐kukuitira ɀakaipa.

31Usagoɗora munhu unomanikidza;

Usateʋera kunyaŋge nomumŋe wemitoʋo yake.

32Nokuti mutsauki inyaŋgadzi kunaJehova;

Asi unoʋukama naʋakarurama.

33Kutuka kwaJehova kuri mumba mowakaipa;

Asi unoropafadza ʋugaro bgaʋakarurama.

34Kana ʋari ʋaɗaɗi, unoʋaɗaɗira,

Asi ʋanoɀininipisa unoʋaitira nyasha.

35Ʋakacenjera ʋacagara nhaka yokukudzwa;

Asi mapenzi anoɀiwanira kunyadziswa.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help