Ʋatoŋgi 5 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Rwiyo rwaDebora.

1Ɀino Debora naBaraki, mŋanakomana waAbinoami, ʋakaimba nomusi iwoyo, ʋakati:

2Kudzai Jehova,

Nokuti ʋatuŋgamiriri ʋakatuŋgamirira ʋaIsraeri,

Nokuti ʋanhu ʋakaʋuya nokuɗa kwaʋo.

3Inzwai, imi madzimambo, tererai,

imi macinda;

Ini, iyeni, ndicaimbira Jehova;

Ndicarumbidza Jehova, Mŋari waIsraeri nenziyo.

4Jehova, pakuɓuɗa kwenyu paSeiri,

Pakufamba kwenyu mucibva kusaŋgo reEdomi,

Nyika yakaɗeɗera, ʋuye ɗeŋga rakaɗonha,

Ɀirokwaɀo makore akaɗonha mvura.

5Makomo akayerera pamberi paJehova,

Nairo Sinai pamberi paJehova Mŋari waIsraeri.

6Pamazuʋa aShamgari, mŋanakomana waAnati,

Pamazuʋa aJaeri, nzira huru dzakaŋga dzisiŋgafambgi,

Ʋafambi ʋaifamba nenzira dzinopota‐pota.

7Misha yakaŋga isinaʋanhu munaIsraeri, yakaŋga isinaʋanhu,

Kuȿikira ini Debora ndicisimuka,

Ndicisimuka ini, mai pakati paIsraeri.

8Ʋakaɀitsaurira ʋamŋari ʋatȿa;

Kurwa kukaʋa’po pamasuʋo.

Kwakaŋga kuciʋonekwa here nhoʋo kana pfumo

Pakati paʋaIsraeri ʋaneɀuru ɀinamakumi manna here?

9Mŋoyo waŋgu unorumbidza ʋaɓati ʋaIsraeri,

Aʋo ʋakaʋuya nokuɗa kwaʋo pakati paʋanhu;

Kudzai Jehova!

10Paridzai iɀoɀo, imi makataȿa mboŋgoro cena,

Imi, mugere pamhasa dzinokosha,

Nemi, munofamba nenzira.

11Kure namanzwi aʋanofura noʋuta,

paʋanoteka mvura,

Ndipo paʋacarumbidza maɓasa akarurama aJehova,

Maɓasa akarurama oʋushe bgake munaIsraeri.

Ipapo ʋanhu ʋaJehova ʋakaɓurukira kumasuʋo.

12Muka, muka, Debora;

Muka, muka, uimbe rwiyo!

Simuka Baraki, utape ʋatapxa ʋako, iwe mŋanakomana waAbinoami.

13Ipapo ʋakaŋga ʋakasara ʋaʋakuru naʋanhu ʋakaɓuruka,

Jehova wakaɓuruka nokuɗa kwaŋgu kuzorwa naʋanesimba.

14KunaEfraimi ndokwakabva ʋanomudzi waʋo paAmareki,

Ʋacikuteʋera iwe Benjamini pakati paʋanhu ʋako.

PaMakiri ndipo pakaɓurukira ʋarairi,

NokunaZeburuni aʋo ʋakaɓata tȿimbo yokukunda.

15Macinda aIsakari akaŋga anaDebora;

SaIsakari, ndiɀo ɀakaŋga ɀakaita ʋo Baraki;

Ʋakamhanyira kumupata ʋaciteʋera tsoka dzake.

Pahoʋa dzaRubeni

Pakaŋga panemiraŋgariro mikuru yomŋoyo.

16Wakagarireiko pasi pakati pamataŋga eɀipfuwo,

Uciterera kurira kwenyere dzinoridzirwa makwai?

Pahoʋa dzaRubeni

Pakaŋga panokunɀera kukuru kwomŋoyo.

17Gireadi wakagara mhiri kwaJoridani;

Newe Dani, wakagarireiko paɀikepe?

Asheri wakagara ɀake pamhenderekedzo dzeguŋgwa,

Wakarambira apo panopinda mvura panyika.

18Zeburuni ndiʋanhu ʋakaŋga ʋasiŋgatyi kuȿikira parufu,

NaNaftari panɀimbo dzenyika dzakakwirira.

19Madzimambo akaʋuya akarwa,

Ipapo madzimambo eKanani akarwa ʋo

PaTaanaki, pamvura zhinji yeMegido;

Haʋana‐kuwana fuma yemari.

20Nyeredzi dzakarwa dziri kuɗeŋga,

Dzakarwa naSisera dziri panzira dzadzo.

21Rwizi Kishoni rwakaʋakukura,

Irwo rwizi rwekare, rwizi Kishoni.

Mŋeya waŋgu, pfuʋura nesimba.

22Ŋguʋa iyo makumbo amabiza akaroʋera pasi

Nokumhanya, kuri kumhanya kwaʋakasimba.

23Tuka Merozi, ndiɀo ɀinotaura mutumŋa waJehova,

Tuka ɀakaipa aʋo ʋagere’mo;

Nokuti haʋana‐kuʋuya kuzoɓatsira Jehova,

Kuzoɓatsira Jehova pakurwa kwake naʋanesimba.

24Pakati paʋakadzi Jaeri ŋgaarumbidzwe,

Iye mukadzi waHeberi muKeni,

Ŋgaarumbidzwe pakati paʋakadzi patente.

25Wakakumbira mvura, iye akamupa mukaka;

Wakamuʋigira mukaka wakafa pandiro yamambo.

26Wakaɓata mbambo noruʋoko rwake,

Nenyundo yomuɓati norudyi rwake,

Akaroʋa Sisera nenyundo, akabvoʋora musoro wake;

Wakaroʋa, akabvoʋora ɀaʋoʋo ɀake.

27Wakakotama patsoka dzake, akawa,

ndokutandaʋara;

Wakakotama patsoka dzake, akawa;

Ipapo paakakotama, ndipo paakawira pasi, afa.

28Wakatarira pawindi, akaɗana,

Mai ʋaSisera ʋakaɗana paʋutanda bgaro;

Ŋgoro yake inononokireiko kuȿika?

Makumbo eŋgoro dzake anononokireiko?

29Ʋakadzi ʋake, ʋakakudzwa, ʋakacenjera, ʋakamupindura,

Naiye amene wakaɀipindura, aciti:

30Haʋana‐kuwana here ɀaʋakapamba, haʋana‐kuɀigoʋana here?

Ɀimŋe murume mumŋe nomumŋe unopiwa musikana mumŋe, kana ʋasikana ʋaʋiri;

Ɀimŋe Sisera ucapiwa ŋguʋo dzakapambga dzamaʋara‐ʋara,

Ŋguʋo dzakapambga dzemiceka yakarukwa yamaʋara‐ʋara,

Ŋguʋo dzamaʋara‐ʋara dzakarukwa kunhiʋi dzose, dzakafanira mitsipa yaʋakapamba?

31Saiɀoɀo ʋaʋeŋgi ʋenyu ʋose ŋgaʋaparadzwe, Jehova;

Asi iʋo ʋanokuɗai ŋgaʋaʋe sezuʋa,

kana riciɓuɗa nesimba raro!

Nyika ikazorora makore anamakumi manna.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help