Mapisarema 58 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Ʋatoŋgi ʋasino‐kururama ŋgaʋaparadzwe.Kumutuŋgamiriri wokuimba; nomuimbirwe weAritasheti. Pisarema raDavidi; rwiyo rweMiktami.

1Munototaura ɀakarurama here, imi ʋanesimba,

Munotoŋgera ʋanakomana ʋaʋanhu ɀakarurama here?

2Ɀirokwaɀo, mumŋoyo menyu munoita ɀakaipa;

Munoyerera ʋanhu pasi pose kumanikidza kwamaʋoko enyu.

3Ʋakaipa ʋakaʋa ʋatorwa kubva paɗumbu ramai;

Ʋanotsauka ʋacaŋgoɀarwa, ʋacireʋa nhema.

4Ʋuturu bgaʋo bgakafanana noʋuturu bgenyoka;

Ʋakafanana neciʋa cisiŋganzwi, cinodziʋira nzeʋe yaco;

5Cisiŋgatereri inzwi reŋaŋga,

Kunyaŋge ʋacirapa noʋucenjeri ʋukuru.

6Mŋari vunai meno aʋo mumuromo maʋo;

Jehova gurai meno makuru aʋana ʋeshumba.

7Ŋgaʋapxe semvura inoyerera;

Kana acishumba nemiseʋe yake, ŋgaiʋe seyakagurika.

8Ŋgaʋafanane nehozhwe inonyakatika icipera;

Segambamŋedzi romukadzi risinakuʋona zuʋa.

9Hari dzenyu dzisati dzanzwa mŋoto weminzwa,

Iye ucadzibvisa necampupuri, nyama igere, nomŋoto pamŋe cete.

10Wakarurama ucafara kana aciʋona kutsiʋa;

Ucashambidza tsoka dzake muropa raʋakaipa.

11Naiɀoɀo ʋanhu ʋacati: Ɀirokwaɀo muɓairo wowakarurama uri’po;

Ɀirokwaɀo Mŋari uri’po, unotoŋga pasi pose.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help