Deuteronomio 25 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Kurobga pakutoŋgwa.

1Kana ʋanhu ʋakaita nharo, ʋakaʋuya kutoŋgerwa, ʋatoŋgi ʋakaʋatoŋgera, ʋanofanira kururamisira wakarurama, nokupa mhoȿa munhu wakatadza.

2Ɀino kana wakatadza acifanirwa nokurobga, mutoŋgi unofanira kumutsiʋamisa pasi, agorobga pamberi pake ɀakaenzana nokutadza kwake.

3Unofanira kumuroʋa kanamakumi manna, haafaniri kupfuʋudza; kuti, kana akapfuʋudza, akamuroʋa kupfuʋura ipapo kazhinji, hama yako irege kuɀidzwa pamberi pako.

4Usasuŋga muromo wenzombe inopura ɀiyo.

Munhu unofa asinomŋana.

5Kana ʋana ʋomunhu mumŋe ʋagere pamŋe cete, mumŋe waʋo akafa asinomŋanakomana, mukadzi wowakafa haafaniri kuwanikwa nomutorwa kunze kwehama; munuŋuna womurume wake unofanira kupinda kwaari, aʋe mukadzi wake, amuitire seɀinofanira kuita munuŋuna womurume.

6Ɀino mŋana weɗaŋgwe waacaɓereka, ndiye unofanira kupinda panɀimbo yomukoma wake wakafa, kuti zita rake rirege kudzimŋa pakati paIsraeri.

7Kana munhu asiŋgaɗi kuwana mukadzi womukoma wake, mukadzi womukoma wake unofanira kukwira kusuʋo raʋakuru, agoti: Munuŋuna womurume waŋgu unoramba kumutsira mukoma wake zita munaIsraeri, haaɗi kundiitira seɀinofanira kuita munuŋuna womurume.

8Ɀino ʋakuru ʋeguta rake ʋanofanira kumuɗana, ʋataure naye; kana akaramba, aciti: Handiɗi haŋgu kumuwana;

9mukadzi womukoma wake unofanira kuʋuya kwaari pamberi paʋakuru, ndokubvisa shaŋgu yake parutsoka rwake, ndokumupfira mate pameso, agopindura aciti: Ndiɀo ɀinofanira kuitirwa munhu usiŋgaʋaki imba yomukoma wake.

10Zita rake munaIsraeri rinofanira kunzi: Imba yomunhu wakabviswa shaŋgu yake.

11Kana ʋarume ʋakarwa, mukadzi womumŋe akasweɗera kurwira murume wake paruʋoko rwaiye unomuroʋa, akatambanudza ruʋoko rwake, akamuɓata pamberi,

12iwe unofanira kugura ruʋoko rwake, haufaniri kumunzwira tsitsi.

Ɀiyereso ɀisiŋganyeŋgeri.

13Haufaniri kuʋa neɀiyereso ɀisina‐kuenzana muhomboɗo yako, cikuru neciɗuku.

14Haufaniri kuʋa neɀiyero ɀisina‐kuenzana mumba mako, cikuru neciɗuku.

15Unofanira kuʋa neciyereso cakakwana, cakarurama; kuti mazuʋa ako aʋe mazhinji panyika yaunopiwa naJehova Mŋari wako.

16Nokuti ʋose ʋanoita ɀinhu ɀakaɗai, iʋo ʋose ʋanoita ɀisina‐kururama, ʋanonyaŋgadza Jehova Mŋari wako.

Amareki unofanira kuparadzwa.

17Raŋgarira ɀawakaitirwa naAmareki panzira, pakuɓuɗa kwenyu Egipita;

18kuti wakakuwira panzira, akaparadza ʋanhu ʋako ʋakaŋga ʋari shure, ʋose ʋakaŋga ʋasinesimba, paŋguʋa yamakaŋga maziya nokuneta; iye wakaŋga asiŋgatyi Mŋari.

19Ɀino kana Jehova Mŋari wako akupa zororo paʋaʋeŋgi ʋako ʋose, ʋanokupoteredza panyika yaunopiwa naJehova Mŋari wako, iʋe nhaka yako, unofanira kubvisa pasi pokuɗeŋga ɀose ɀinoraŋgaridza Amareki; usakakaŋganwa.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help