Jobo 23 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Jobo unocema kuti awane Mŋari, kuti agone kuɀireʋera amene kwaari, nokuti unoziʋa kuti haanemhoȿa.

1Ipapo Jobo wakapindura, akati:

2Kunyaŋge nanhasi ndinonyunyuta ndineshuŋgu;

Kurobga kwaŋgu kwakanyanya kukunda kugomera kwaŋgu.

3Haiwa! ɗai ndaiziʋa kwandiŋgamuwana,

Kuti ndiȿike ipo pacigaro cake.

4Ndairondedzera mhaka yaŋgu pamberi pake,

Ndaizadza muromo waŋgu nenharo.

5Ndaiziʋa mashoko aanondipindura nawo,

Ndainzwisisa ɀaanondiʋudza.

6Uŋgaita nharo neni nesimba rake guru here?

Kwete; asi uŋganditerera hake.

7Apo wakarurama uŋgataurirana naye;

Kuti ndisunuŋgurwe nokusiŋgaperi pamutoŋgi waŋgu.

8Tarira, ndinopfuʋura mberi, asi haa’po;

Ʋuye shure, asi handimuʋoni;

9Nokuruʋoko rworuɓoshwe, kana aciɓata, asi handigoni kumuʋona;

Unoɀiʋanza paruʋoko rworudyi, kuti ndirege kumuʋona.

10Nokuti iye unoziʋa nzira yandinofamba nayo;

Kana akandiidza, ndicaɓuɗa ndakaita sendarama.

11Rutsoka rwaŋgu rwakaramba rucitsika paakatsika iye;

Ndakarambira panzira yake, handina‐kutsauka.

12Handina‐kudzoka pamurairo wemiromo yake;

Ndakaceŋgeta sefuma mashoko omuromo wake kupfuʋura mugoʋe weɀokudya ɀaŋgu.

13Asi iye unoraŋgarira cinhu cimŋe, ndianiko uŋgamudzora?

Ɀinoɗa mŋoyo wake, ndiɀo ɀaanoita.

14Nokuti unoita ɀandakatemerwa;

Neɀinhu ɀizhinji ɀakaɗai ɀiri kwaari.

15Saka ndinotambudzika pamberi pake;

Kana ndicimufuŋga ndinomutya.

16Nokuti Mŋari wakatorera mŋoyo waŋgu simba,

Wamasimba‐ose wakandivundusa.

17Nokuti handina‐kuparadzwa nokuɗa kwerima,

Kana nokuɗa kwerima guru rakafukidza ciso caŋgu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help