Ezekieri 35 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Edomi ricaparadzwa.

1Ɀino shoko raJehova rakaȿika kwandiri riciti:

2Mŋanakomana womunhu, rinzira ciso cako kugomo reSeiri, uprofite pamsoro paro,

3uti kwariri: Ɀanzi naShe Jehova: Tarira, ndinemhaka newe, iwe gomo reSeiri, ndicatambanudzira ruʋoko rwaŋgu kwauri, ndicakuita ɗoŋgo necishamiso.

4Ndicaparadza maguta ako, iwe ucaʋa ɗoŋgo; ɀino ucaziʋa kuti ndini Jehova.

5Nokuti wakaʋeŋga ʋana ʋaIsraeri nokuʋeŋga kusiŋgaperi, ukaʋaisa pasimba romunondo neŋguʋa yenjodzi yaʋo, neŋguʋa yeɀakaipa ɀokupedzisira;

6naiɀoɀo noʋupenyu bgaŋgu — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova — ndicakugadzirira ropa, ropa ricakuteʋerera; ɀausina‐kuʋeŋga ropa, ropa ricakuteʋerera.

7Saiɀoɀo ndicaita gomo reSeiri cishamiso neɗoŋgo; ndicaparadza mariri ʋanofamba napo naʋanodzoka napo.

8Ndicazadza makomo aro naʋanhu ʋaro ʋakaʋurawa; muɀikomo ɀako nomumipata yako napahoʋa dzako dzose ndi’po pacawa ʋakaʋurawa nomunondo.

9Ndicakuita ɗoŋgo nokusiŋgaperi, maguta ako haaŋgagarwi; ɀino mucaziʋa kuti ndini Jehova.

10Ɀawakati: Marudzi awa maʋiri nenyika idzi mbiri ɀicaʋa ɀaŋgu, icaʋa nhaka yeɗu, kunyaŋge Jehova wakaŋga ari’po;

11naiɀoɀo noʋupenyu bgaŋgu — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova — ndicaita ɀakafanira kutsamŋa kwako, ʋuye ɀakafanira goɗo rako rawakaʋaitira nokuʋeŋga kwako; ɀino ini ndicaɀiziʋisa pakati paʋo, kana ndicikutoŋga iwe.

12Iwe ucaziʋa kuti ini Jehova ndakanzwa kumhura kwako kwose kwawakataura pamsoro pamakomo aIsraeri, uciti: Akaparadzwa, takaapiwa isu ɀiʋe ɀokudya ɀeɗu.

13Makaɀikudza kwandiri nemiromo yenyu, makawanza mashoko enyu kwandiri; ndaɀinzwa.

14Ɀanzi naShe Jehova: Kana nyika yose icifara, ndicakuita iwe ɗoŋgo.

15Seɀawakafara pamsoro penhaka yeimba yaIsraeri, nemhaka yokuti yakaitwa ɗoŋgo, saiɀoɀo ndicakuitira ʋo; ucaʋa ɗoŋgo, iwe gomo reSeiri, neEdomi rose, iɀo ɀose ɀaro; ɀino ʋacaziʋa kuti ndini Jehova.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help