1Ɀino shoko raJehova rakaȿika kwandiri riciti:
2Mŋanakomana womunhu, rinzira ciso cako kugomo reSeiri, uprofite pamsoro paro,
3uti kwariri: Ɀanzi naShe Jehova: Tarira, ndinemhaka newe, iwe gomo reSeiri, ndicatambanudzira ruʋoko rwaŋgu kwauri, ndicakuita ɗoŋgo necishamiso.
4Ndicaparadza maguta ako, iwe ucaʋa ɗoŋgo; ɀino ucaziʋa kuti ndini Jehova.
5Nokuti wakaʋeŋga ʋana ʋaIsraeri nokuʋeŋga kusiŋgaperi, ukaʋaisa pasimba romunondo neŋguʋa yenjodzi yaʋo, neŋguʋa yeɀakaipa ɀokupedzisira;
6naiɀoɀo noʋupenyu bgaŋgu — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova — ndicakugadzirira ropa, ropa ricakuteʋerera; ɀausina‐kuʋeŋga ropa, ropa ricakuteʋerera.
7Saiɀoɀo ndicaita gomo reSeiri cishamiso neɗoŋgo; ndicaparadza mariri ʋanofamba napo naʋanodzoka napo.
8Ndicazadza makomo aro naʋanhu ʋaro ʋakaʋurawa; muɀikomo ɀako nomumipata yako napahoʋa dzako dzose ndi’po pacawa ʋakaʋurawa nomunondo.
9Ndicakuita ɗoŋgo nokusiŋgaperi, maguta ako haaŋgagarwi; ɀino mucaziʋa kuti ndini Jehova.
10Ɀawakati: Marudzi awa maʋiri nenyika idzi mbiri ɀicaʋa ɀaŋgu, icaʋa nhaka yeɗu, kunyaŋge Jehova wakaŋga ari’po;
11naiɀoɀo noʋupenyu bgaŋgu — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova — ndicaita ɀakafanira kutsamŋa kwako, ʋuye ɀakafanira goɗo rako rawakaʋaitira nokuʋeŋga kwako; ɀino ini ndicaɀiziʋisa pakati paʋo, kana ndicikutoŋga iwe.
12Iwe ucaziʋa kuti ini Jehova ndakanzwa kumhura kwako kwose kwawakataura pamsoro pamakomo aIsraeri, uciti: Akaparadzwa, takaapiwa isu ɀiʋe ɀokudya ɀeɗu.
13Makaɀikudza kwandiri nemiromo yenyu, makawanza mashoko enyu kwandiri; ndaɀinzwa.
14Ɀanzi naShe Jehova: Kana nyika yose icifara, ndicakuita iwe ɗoŋgo.
15Seɀawakafara pamsoro penhaka yeimba yaIsraeri, nemhaka yokuti yakaitwa ɗoŋgo, saiɀoɀo ndicakuitira ʋo; ucaʋa ɗoŋgo, iwe gomo reSeiri, neEdomi rose, iɀo ɀose ɀaro; ɀino ʋacaziʋa kuti ndini Jehova.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.