1Negore rokuȿika kwaTartani paAshdodi, atumŋa naSargoni mambo weAsiria, akarwa neAshdodi nokurikunda;
2neŋguʋa iyo Jehova wakataura naIsaya mŋanakomana waAmozi, aciti: Enda, undosunuŋgura gudza riri paɀiʋuno ɀako, ubvise shaŋgu yako parutsoka rwako. Iye akaita saiɀoɀo, akafamba asineŋguʋo, asineshaŋgu.
3Ɀino Jehova akati: Muranda waŋgu Isaya seɀaakafamba asineŋguʋo asineshaŋgu makore matatu akaʋa ciratidzo necishamiso pamsoro peEgipita neEtiopia;
4saiɀoɀo mambo weAsiria ucaenda naʋatapxa ʋeEgipita naʋakadziŋgwa ʋeEtiopia, ʋaɗuku naʋakuru, ʋasineŋguʋo ʋasineshaŋgu, ʋakafukurwa ɀiʋuno, ciʋe cinyadzo ceEgipita.
5Ʋacavunduswa nokunyadziswa pamsoro peEtiopia, ciʋimbo caʋo, neEgipita rumbidzo yaʋo.
6Ʋagere panyika iyi iri pamhenderekedzo yeguŋgwa ʋacati nezuʋa iro: Tarirai, ndiɀo ɀaita ciʋimbo ceɗu, kwataitizira ticitȿaka kurwirwa kunamambo weAsiria; ko isu ɀino ticapukunyuka sei?
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.