Isaya 64 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

1Haiwa, ɗai maibvarura ɗenga, mukaɓuruka, makomo akaɗeɗera pamberi penyu,

2seɀinoita mŋoto kana ucipisa ʋutsotso, nomŋoto kana uciʋirisa mvura, kuti muziʋise ʋadziʋisi ʋenyu zita renyu, kuti marudzi aɗeɗere pamberi penyu!

3Paŋguʋa yamakaita ɀinhu ɀinotyisa, ɀatakaŋga tisina‐kutarira, mukaɓuruka, makomo akaɗeɗera pamberi penyu.

4Nokuti kubva paŋguʋa yakare ʋanhu haʋana‐kunzwa, kana kunzwisisa nenzeʋe, kunyaŋge neziso harina‐kuʋona Mŋari kunze kwenyu, iye unoɓatira ʋanomumirira.

5Munosoŋgana nounofarira kuita ɀakarurama, iʋo ʋanokuraŋgarirai panzira dzenyu; tarirai, makaŋga makatsamŋa, nesu takatadza; takaŋga takaɗaro ŋguʋa refu, ɀino tiŋgaponeswa here?

6Nokuti isu tose taʋa sounetȿina, kururama kweɗu kwose kwafanana neŋguʋo inetȿina; isu tose tinowoma seshizha, ɀakaipa ɀeɗu ɀinotibvisa semhepo.

7Hakuna‐unoɗana zita renyu, unoɀimutsa kuti akunamatireyi; nokuti makatiʋanzira ciso cenyu, mukatinyuŋgurusa neɀakaipa ɀeɗu.

8Asi ɀino Jehova, muri Ƃaɓa ʋeɗu; isu tiri ivu, imi muri muʋumbi weɗu, isu tose tiri ɓasa roruʋoko rwenyu.

9Regai kutsamŋa ɀikuru, Jehova, ʋuye regai kuraŋgarira ɀakaipa ɀeɗu nokusiŋgaperi; tarirai, ɗoʋonai, tiri ʋanhu ʋenyu.

10Maguta enyu matȿene ashanduka renje, Zioni rashanduka renje, Jerusarema raʋa ɗoŋgo.

11Imba yeɗu tȿene, yakanakisa, pamakarumbidzwa namadziɓaɓa eɗu, yatȿa nomŋoto; nɀimbo dzeɗu dzose, dzataifarira, dzaparadzwa.

12Jehova, muŋgaɀidzora nokuɗa kweɀinhu iɀi here? Mucaramba munyerere, mucititambudza ɀikuru here?

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help