ƲaGaratia 6 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Kunyeʋera kwokupedzisira nokuwonekana.

1Hama dzaŋgu, kunyaŋge munhu akaɓatwa panokumŋe kuɗarika, imi ʋoMŋeya mudzose wakaɗai nomŋoyo woʋunyoro; uciɀicenjerera iwe, kuti urege kuidzwa ʋo.

2Takuriranai mitoro yenyu, mugozadzisa murairo waKristu saiɀoɀo.

3Nokuti kana munhu aciti, ndiri cinhu, asati ari cinhu, unoɀinyeŋgera iye.

4Ɀino munhu mumŋe nomumŋe ŋgaaidze ɓasa rake amene, ipapo uŋgaɀirumbidza pamsoro pake iye amene oga, asiŋgaɀiiti pamsoro pomumŋe.

5Nokuti munhu mumŋe nomumŋe ucafanira kutakura mutoro wake.

6Ɀino unodzidziswa Shoko, ŋgaagoʋane nounodzidzisa paɀinhu ɀose ɀakanaka.

7Musanyeŋgerwa; Mŋari haasekwi; nokuti iɀo ɀinodɀara munhu, ndiɀo ɀaanoceka ɀe.

8Nokuti unodɀarira nyama yake, ucaceka kuʋora, kunobva panyama; asi unodɀarira Mŋeya, ucaceka ʋupenyu bgusiŋgaperi, bgunobva kuMŋeya.

9Ɀino ŋgatirege kuneta pakuita ɀakanaka; nokuti tinozoceka neŋguʋa yakafanira, kana tisiŋgaʋori mŋoyo.

10Ɀino ɀatineŋguʋa, ŋgatiitire ʋose ɀakanaka, ɀikuru kunaʋeimba yokutenda.

11Tarirai, kukura kwamaretere andinokunyorerai nawo noruʋoko rwaŋgu.

12Ʋose ʋanoɗa kunzi ʋakanaka pane‐ɀinoʋonekwa panyama, ndiʋo ʋanokuroʋererai kuti mudziŋgiswe; ʋanoɗaro ɓedzi kuti ʋarege kutambudzwa nokuɗa kwomucinjikwa waKristu.

13Nokuti kunyaŋge ʋakadziŋgiswa, haʋaceŋgeti murairo ʋamene; asi ʋanoɗa kuti imi mudziŋgiswe, kuti ʋaɀirumbidze panyama yenyu.

14Asi kana ndirini, ŋgandirege kutoŋgoɀirumbidza napaɗuku, asi ɓedzi mumucinjikwa waShe weɗu, Jesu Kristu; naye nyika yakaroʋerwa pamucinjikwa kwandiri, neni ndakaroʋerwa kunyika.

15Nokuti kudziŋgiswa kana kusadziŋgiswa hacizi cinhu, asi cisikwa citȿa.

16Ʋose ʋanofamba nomurairo uyu, rugare ŋgaruʋe pamsoro paʋo, nenyasha, napamsoro paʋaIsraeri ʋaMŋari.

17Kubvira ɀino ŋgakurege kuʋa nomunhu unonditambudza; nokuti ndinamaʋaŋga aJesu pamuʋiri waŋgu.

18Nyasha dzaShe weɗu Jesu Kristu, ŋgadziʋe nomŋeya wenyu, hama dzaŋgu. Ameni.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help