1Ɀino nzara yakaŋga iri’po panyika; isati iri nzara yakaŋga iri’po pamazuʋa aAbrahama. Isaka akaenda Gerari kunaAbimereki, mambo waʋaFiristia.
2Jehova akaɀiratidza ɀe kwaari, akati: Usaɓurukira Egipita; gara munyika yandakakuʋudza;
3gara hako munyika ino uri mutorwa; ini ndicaʋa newe, ndicakuropafadza; nokuti ndicakupa iwe, naʋana ʋako, nyika idzi dzose; ndicasimbisa mhiko yandakapikira Abrahama, ɓaɓa ʋako;
4ndicawanza ʋana ʋako senyeredzi dzeɗeŋga; ndudzi dzose dzenyika dzicaropafadzwa muʋana ʋako;
5nokuti Abrahama wakaterera inzwi raŋgu, akaceŋgeta ɀandakamuraira, nemirairo yaŋgu, nemitemo yaŋgu, nemirau yaŋgu.
6Isaka akagara Gerari;
7ʋanhu ʋenyika iyo ʋakamubvunza pamsoro pomukadzi wake, akati: Ihanɀadzi yaŋgu; nokuti wakaŋga acitya kuti, mukadzi waŋgu, aciti: Ɀimŋe ʋanhu ʋenyika ino ʋaŋgandiʋuraya nokuɗa kwaRebeka; nokuti wakaŋga akanaka kumeso.
8Ɀino wakati aʋa’po ŋguʋa refu, Abimereki, mambo waʋaFiristia, wakatarira napawindi, akaʋona Isaka acitamba naRebeka, mukadzi wake.
9Ipapo Abimereki akaɗana Isaka, akati: Tarira, ɀirokwaɀo mukadzi wako; wakataura seiko uciti, ihanɀadzi yaŋgu — Isaka akati kwaari: Nokuti ndakati: Ɀimŋe ndiŋgafa nokuɗa kwake.
10Abimereki akati kwaari: Ndokuɗiniko kuti watiitira cinhu ici — Ƌai mumŋe waʋanhu aiʋata nomukadzi wako, uŋgaɗai watiisa pamhoȿa.
11Abimereki akaraira ʋanhu ʋose, akati: Unoɓata munhu uyu kana mukadzi wake, ucaʋurawa ɀirokwaɀo.
12Ɀino Isaka wakadɀara ɀiyo munyika iyo, akawana gore iro runezana; Jehova akamuropafadza.
13Munhu uyu akaʋa mukuru, akaramba aciwedzerwa, kuȿikira waʋa mukuru kwaɀo;
14wakaŋga anefuma yamakwai, neyeŋombe, nemhuri huru; ʋaFiristia ʋakamugoɗora.
15ƲaFiristia ʋakadziʋira matsime ose akaŋga acerwa naʋaranda ʋaɓaɓa ʋake pamazuʋa aɓaɓa ʋake Abrahama, ʋakaafusira nevu.
16Abimereki akati kunaIsaka; Ibva hako kwatiri, nokuti watipfuʋura kwaɀo nesimba.
17Isaka akabva’po, akandodzika matente ake mumupata weGerari, akagara’po.
18Isaka akacera ɀe matsime emvura, akaŋga acerwa pamazuʋa aɓaɓa ʋake, Abrahama; nokuti ʋaFiristia ʋakaŋga ʋaadziʋira Abrahama afa; akaatumidza mazita aakaŋga atumidzwa naɓaɓa ʋake.
19Ʋaranda ʋaIsaka ʋakacera mumupata, ʋakawana’po tsime remvura inotuɓuka.
20Ʋafudzi ʋeGerari ʋakaitirana nharo naʋafudzi ʋaIsaka, ʋaciti: Imvura yeɗu; akatumidza tsime iro zita rinonzi Eseki; nokuti ʋakapesana naye.
21Ɀino wakandocera ɀe rimŋe tsime; ʋakaitirana nharo pamsoro pairero ɀe; akaritumidza zita rinonzi Sitna.
22Akabva’po, akandocera ɀe rimŋe tsime; irero haʋana‐kuzoitirana nharo pamsoro paro; akaritumidza zita rinonzi Rehoboti; akati: Nokuti ɀino Jehova wakandiitira nɀimbo huru, kuti tiwande munyika ino.
23Akabva’po, akakwira Beeri‐sheba;
24Jehova akaɀiratidza kwaari ʋusiku ibgobgo, akati: Ndini Mŋari waAbrahama, ɓaɓa ʋako; usatya, nokuti ndinewe, ndicakuropafadza, nokuwanza rudzi rwako nokuɗa kwaAbrahama, muranda waŋgu.
25Akaʋaka’po artari, akanamata zita raJehova, akadzika tente rake ipapo; ʋaranda ʋaIsaka ʋakacera’po tsime.
26Ipapo Abimereki akaenda kwaari, acibva Gerari, aneshamŋari yake Ahuzati, naPikori, mukuru wehondo yake.
27Isaka akati kwaʋari: Maʋuyireiko kwandiri, ɀamunondiʋeŋga, mukandidziŋga kwamuri?
28Iʋo ʋakati: Takaʋona kwaɀo kuti Jehova unewe, tikati: Ɀino mhiko ŋgaiʋe’po pakati peɗu, pakati peɗu newe, tiite suŋgano newe;
29kuti urege kutiitira ɀakaipa, seɀatisina‐kukuɓata iwe, seɀatakakuitira ɀakanaka ɓedzi, tikakuendisa norugare; ɀino iwe ndiwe hako muropafadzwa waJehova.
30Iye akaʋagadzirira ɀokudya, ʋakadya, ʋakanwa,
31ʋakamuka maŋgwanani, ʋakapikirana; ipapo Isaka akaʋatendera kuenda, ʋakabva kwaari norugare.
32Nomusi iwoyo ʋaranda ʋaIsaka ʋakaʋuya, ʋakamuʋudza kuti ʋakaŋga ʋacera tsime, ʋakati kwaari: Mvura taiwana.
33Akaritumidza zita rinonzi Shiba; naiɀoɀo zita reguta ndiBeeri‐sheba kuȿikira zuʋa ranhasi.
34Ɀino Esau wakati aȿika makore makumi manna, akawana Juditi, mukunda waBeeri, muHeti, naBasemati, mukunda waEroni, muHeti;
35iʋaʋo ʋakarwadza mŋoyo waIsaka naRebeka.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.