Genesi 26 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Isaka paGerari; unoita suŋgano naAbimereki.

1Ɀino nzara yakaŋga iri’po panyika; isati iri nzara yakaŋga iri’po pamazuʋa aAbrahama. Isaka akaenda Gerari kunaAbimereki, mambo waʋaFiristia.

2Jehova akaɀiratidza ɀe kwaari, akati: Usaɓurukira Egipita; gara munyika yandakakuʋudza;

3gara hako munyika ino uri mutorwa; ini ndicaʋa newe, ndicakuropafadza; nokuti ndicakupa iwe, naʋana ʋako, nyika idzi dzose; ndicasimbisa mhiko yandakapikira Abrahama, ɓaɓa ʋako;

4ndicawanza ʋana ʋako senyeredzi dzeɗeŋga; ndudzi dzose dzenyika dzicaropafadzwa muʋana ʋako;

5nokuti Abrahama wakaterera inzwi raŋgu, akaceŋgeta ɀandakamuraira, nemirairo yaŋgu, nemitemo yaŋgu, nemirau yaŋgu.

6Isaka akagara Gerari;

7ʋanhu ʋenyika iyo ʋakamubvunza pamsoro pomukadzi wake, akati: Ihanɀadzi yaŋgu; nokuti wakaŋga acitya kuti, mukadzi waŋgu, aciti: Ɀimŋe ʋanhu ʋenyika ino ʋaŋgandiʋuraya nokuɗa kwaRebeka; nokuti wakaŋga akanaka kumeso.

8Ɀino wakati aʋa’po ŋguʋa refu, Abimereki, mambo waʋaFiristia, wakatarira napawindi, akaʋona Isaka acitamba naRebeka, mukadzi wake.

9Ipapo Abimereki akaɗana Isaka, akati: Tarira, ɀirokwaɀo mukadzi wako; wakataura seiko uciti, ihanɀadzi yaŋgu — Isaka akati kwaari: Nokuti ndakati: Ɀimŋe ndiŋgafa nokuɗa kwake.

10Abimereki akati kwaari: Ndokuɗiniko kuti watiitira cinhu ici — Ƌai mumŋe waʋanhu aiʋata nomukadzi wako, uŋgaɗai watiisa pamhoȿa.

11Abimereki akaraira ʋanhu ʋose, akati: Unoɓata munhu uyu kana mukadzi wake, ucaʋurawa ɀirokwaɀo.

12Ɀino Isaka wakadɀara ɀiyo munyika iyo, akawana gore iro runezana; Jehova akamuropafadza.

13Munhu uyu akaʋa mukuru, akaramba aciwedzerwa, kuȿikira waʋa mukuru kwaɀo;

14wakaŋga anefuma yamakwai, neyeŋombe, nemhuri huru; ʋaFiristia ʋakamugoɗora.

15ƲaFiristia ʋakadziʋira matsime ose akaŋga acerwa naʋaranda ʋaɓaɓa ʋake pamazuʋa aɓaɓa ʋake Abrahama, ʋakaafusira nevu.

16Abimereki akati kunaIsaka; Ibva hako kwatiri, nokuti watipfuʋura kwaɀo nesimba.

17Isaka akabva’po, akandodzika matente ake mumupata weGerari, akagara’po.

18Isaka akacera ɀe matsime emvura, akaŋga acerwa pamazuʋa aɓaɓa ʋake, Abrahama; nokuti ʋaFiristia ʋakaŋga ʋaadziʋira Abrahama afa; akaatumidza mazita aakaŋga atumidzwa naɓaɓa ʋake.

19Ʋaranda ʋaIsaka ʋakacera mumupata, ʋakawana’po tsime remvura inotuɓuka.

20Ʋafudzi ʋeGerari ʋakaitirana nharo naʋafudzi ʋaIsaka, ʋaciti: Imvura yeɗu; akatumidza tsime iro zita rinonzi Eseki; nokuti ʋakapesana naye.

21Ɀino wakandocera ɀe rimŋe tsime; ʋakaitirana nharo pamsoro pairero ɀe; akaritumidza zita rinonzi Sitna.

22Akabva’po, akandocera ɀe rimŋe tsime; irero haʋana‐kuzoitirana nharo pamsoro paro; akaritumidza zita rinonzi Rehoboti; akati: Nokuti ɀino Jehova wakandiitira nɀimbo huru, kuti tiwande munyika ino.

23Akabva’po, akakwira Beeri‐sheba;

24Jehova akaɀiratidza kwaari ʋusiku ibgobgo, akati: Ndini Mŋari waAbrahama, ɓaɓa ʋako; usatya, nokuti ndinewe, ndicakuropafadza, nokuwanza rudzi rwako nokuɗa kwaAbrahama, muranda waŋgu.

25Akaʋaka’po artari, akanamata zita raJehova, akadzika tente rake ipapo; ʋaranda ʋaIsaka ʋakacera’po tsime.

26Ipapo Abimereki akaenda kwaari, acibva Gerari, aneshamŋari yake Ahuzati, naPikori, mukuru wehondo yake.

27Isaka akati kwaʋari: Maʋuyireiko kwandiri, ɀamunondiʋeŋga, mukandidziŋga kwamuri?

28Iʋo ʋakati: Takaʋona kwaɀo kuti Jehova unewe, tikati: Ɀino mhiko ŋgaiʋe’po pakati peɗu, pakati peɗu newe, tiite suŋgano newe;

29kuti urege kutiitira ɀakaipa, seɀatisina‐kukuɓata iwe, seɀatakakuitira ɀakanaka ɓedzi, tikakuendisa norugare; ɀino iwe ndiwe hako muropafadzwa waJehova.

30Iye akaʋagadzirira ɀokudya, ʋakadya, ʋakanwa,

31ʋakamuka maŋgwanani, ʋakapikirana; ipapo Isaka akaʋatendera kuenda, ʋakabva kwaari norugare.

32Nomusi iwoyo ʋaranda ʋaIsaka ʋakaʋuya, ʋakamuʋudza kuti ʋakaŋga ʋacera tsime, ʋakati kwaari: Mvura taiwana.

33Akaritumidza zita rinonzi Shiba; naiɀoɀo zita reguta ndiBeeri‐sheba kuȿikira zuʋa ranhasi.

34Ɀino Esau wakati aȿika makore makumi manna, akawana Juditi, mukunda waBeeri, muHeti, naBasemati, mukunda waEroni, muHeti;

35iʋaʋo ʋakarwadza mŋoyo waIsaka naRebeka.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help