Mapisarema 21 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Rwiyo rwokuʋoŋga pamsoro pokukunda.Kumutuŋgamiriri wokuimba. Pisarema raDavidi.

1Mambo ucafara nesimba renyu, Jehova;

Ucafarira kuponesa kwenyu ɀikuru sei!

2Makamupa ɀakaɗikanwa nomŋoyo wake,

Hamuna‐kuramba kukumbira kwemiromo yake.

3Nokuti munomuciŋgura nemikomborero yeɀakanaka;

Munodzika korona yendarama yakaiȿo‐naka pamusoro wake.

4Wakakumbira ʋupenyu kwamuri, mukamupa ibgo;

Namazuʋa mazhinji nokusiŋgaperi‐peri.

5Kurumbidzwa kwake kukuru nokuɗa kwokuponesa kwenyu,

Makaisa pamsoro pake kukudzwa noʋumambo.

6Nokuti munomukomborera ɀikuru nokusiŋgaperi;

Munomufadza nomufaro pamberi penyu.

7Nokuti mambo unoʋimba naJehova,

Noʋunyoro bgoWokumsoro‐soro haaŋgazunuŋguswi.

8Ruʋoko rwenyu rucawana ʋaʋeŋgi ʋenyu ʋose;

Ruʋoko rwenyu rworudyi rucawana ʋose ʋanokuʋeŋgai.

9Mucaʋaita seʋira romŋoto neŋguʋa yokutsamŋa kwenyu.

Jehova ucaʋamedza nehasha dzake,

Mŋoto ucaʋaparadza.

10Mucaparadza ɀiɓereko ɀaʋo panyika,

Naʋana ʋaʋo pakati paʋana ʋaʋanhu.

11Nokuti ʋakafuŋga kukuitirai ɀakaipa;

Ʋakafuŋga zano rakaipa, asi haʋagoni kuɀiita.

12Nokuti mucaʋafuratidza,

Mucagadzira huŋgiso dzoʋuta bgenyu kuʋafura paɀiso ɀaʋo.

13Simukai Jehova, nesimba renyu;

Naiɀoɀo ticaimba nokukudza cikuriri cenyu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help