Mapisarema 147 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Rumbidzai Jehova nokuti ŋgoni dzake dzinoʋonekwa pose‐pose.

1Hareruya!

Nokuti ɀakanaka kuti Mŋari weɗu aimbirwe nziyo dzokurumbidza;

Ɀinofadza, ʋuye kurumbidza kwakafanira.

2Jehova unoʋaka Jerusarema;

Unoʋuŋganidza ʋakadziŋgwa ʋaIsraeri.

3Unoporesa ʋanemŋoyo yakaputsika,

Unosuŋga maʋaŋga aʋo.

4Unotara kuwanda kwenyeredzi;

Unodzipa dzose mazita adzo.

5Ishe weɗu mukuru, unesimba guru;

Njere dzake hadziperi.

6Jehova unoɓatsira ʋanyoro;

Ʋakaipa unoʋawisira pasi.

7Imbirai Jehova mucimuʋoŋga,

Imbirai Mŋari weɗu nziyo dzokurumbidza nembira;

8Iye unofukidza ɗeŋga namakore,

Unogadzirira pasi mvura,

Unomeresa ʋuswa pamakomo.

9Unopa ɀipfuwo ɀokudya ɀaɀo,

Naʋana ʋamakuŋguʋo, ʋanocema.

10Haafadzwi nesimba rebiza;

Haafariri makumbo omurume.

11Jehova unofara naʋanomutya,

Naʋanotarira ŋgoni dzake.

12Rumbidza Jehova, iwe Jerusarema;

Rumbidza Mŋari wako, iwe Zioni.

13Nokuti wakasimbisa mazarira amasuʋo ako;

Wakaropafadza ʋana ʋako mukati mako.

14Unoisa rugare panyika yako;

Unokugutisa neɀiyo ɀakaiȿo‐naka.

15Unotuma mirairo yake panyika;

Shoko rake rinomhanya kwaɀo.

16Unopa ʋanhu cando samakushe amakwai,

Unoparadzira cando samaɗota.

17Unokanda cimvuramabge cake seɀimeɗu;

Ndianiko uŋgamira pacando cake?

18Unotuma shoko rake, ndokuɀinyausa;

Unovuvutisa mhepo yake, mvura ndokuyerera.

19Unoziʋisa Jakobo shoko rake,

NaIsraeri mitemo yake neɀaakatoŋga.

20Haana‐kutoŋgoitira rumŋe rudzi saiɀoɀo;

Kana ɀiri ɀaakatoŋga, haʋanakuɀiziʋa.

Hareruya!

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help