1Mŋoyo waŋgu wakasimba, Mŋari;
Ndicaimba, ɀirokwaɀo, ndicaimba nziyo dzokurumbidza, nomŋeya waŋgu wose.
2Muka iwe muteŋgeranwa nembira;
Ini ndimene ndicamuka maŋgwanani.
3Ndicakuʋoŋgai Jehova, pakati pendudzi dzaʋanhu;
Ndicakuimbirai nziyo dzokurumbidza pakati paʋahedeni.
4Nokuti ŋgoni dzenyu ihuru kumsoro kwokuɗeŋga‐ɗeŋga,
Ʋuye ɀokwaɗi yenyu inoȿikira kuɗeŋga rose.
5Imi mukudzwe Mŋari, kumsoro kwokuɗeŋga‐ɗeŋga;
Kurumbidzwa kwenyu ŋgakuʋe kumsoro kwapasi pose.
6Kuti ʋaɗikanwa ʋenyu ʋarwirwe,
Tiponesei noruʋoko rwenyu rworudyi, mutipindure.
7Mŋari wakataura paʋutȿene bgake, aciti: Ndicafara kwaɀo;
Ndicaganhura Shekemi, ndicayera mupata weSukoti.
8Gireadi ndeyaŋgu naManase ndeyaŋgu;
Efraimi ʋo inhaʋiro yomusoro waŋgu;
Juda ndiyo tȿimbo yaŋgu yoʋushe.
9Moabi ndiwo mudziyo waŋgu wokushambidzira;
Pamsoro peEdomi ndi’po pandicakandira shaŋgu yaŋgu;
Ndicapururudza nokuɗa kwaFiristia.
10Ndianiko ucandiisa muguta rakakombga namaȿiŋgo?
Ndianiko ucandiperekedza ndiende Edomi?
11Hamuna‐kutirasha here, Mŋari?
Hamuɓuɗi Mŋari, nehondo dzeɗu.
12Tiɓatsirei pamudziʋisi weɗu;
Nokuti kuɓatsira kwaʋanhu hakunamaturo.
13MunaMŋari ticaita noʋumhare;
Nokuti ndiye ucatsika ʋadziʋisi ʋeɗu pasi.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.