Mapisarema 108 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Mŋari Muɓatsiri weɗu ŋgaarumbidzwe.Rwiyo, Pisarema raDavidi.

1Mŋoyo waŋgu wakasimba, Mŋari;

Ndicaimba, ɀirokwaɀo, ndicaimba nziyo dzokurumbidza, nomŋeya waŋgu wose.

2Muka iwe muteŋgeranwa nembira;

Ini ndimene ndicamuka maŋgwanani.

3Ndicakuʋoŋgai Jehova, pakati pendudzi dzaʋanhu;

Ndicakuimbirai nziyo dzokurumbidza pakati paʋahedeni.

4Nokuti ŋgoni dzenyu ihuru kumsoro kwokuɗeŋga‐ɗeŋga,

Ʋuye ɀokwaɗi yenyu inoȿikira kuɗeŋga rose.

5Imi mukudzwe Mŋari, kumsoro kwokuɗeŋga‐ɗeŋga;

Kurumbidzwa kwenyu ŋgakuʋe kumsoro kwapasi pose.

6Kuti ʋaɗikanwa ʋenyu ʋarwirwe,

Tiponesei noruʋoko rwenyu rworudyi, mutipindure.

7Mŋari wakataura paʋutȿene bgake, aciti: Ndicafara kwaɀo;

Ndicaganhura Shekemi, ndicayera mupata weSukoti.

8Gireadi ndeyaŋgu naManase ndeyaŋgu;

Efraimi ʋo inhaʋiro yomusoro waŋgu;

Juda ndiyo tȿimbo yaŋgu yoʋushe.

9Moabi ndiwo mudziyo waŋgu wokushambidzira;

Pamsoro peEdomi ndi’po pandicakandira shaŋgu yaŋgu;

Ndicapururudza nokuɗa kwaFiristia.

10Ndianiko ucandiisa muguta rakakombga namaȿiŋgo?

Ndianiko ucandiperekedza ndiende Edomi?

11Hamuna‐kutirasha here, Mŋari?

Hamuɓuɗi Mŋari, nehondo dzeɗu.

12Tiɓatsirei pamudziʋisi weɗu;

Nokuti kuɓatsira kwaʋanhu hakunamaturo.

13MunaMŋari ticaita noʋumhare;

Nokuti ndiye ucatsika ʋadziʋisi ʋeɗu pasi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help