Isaya 49 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Muranda waJehova, ciedza camarudzi.

1Ndinzwei, imi ɀiwi, tererai, imi marudzi aʋanhu ari kure: Jehova wakandiɗana ndiri muciɀaro, wakareʋa zita raŋgu ndiciri muɗumbu ramai ʋaŋgu;

2wakaita muromo waŋgu somunondo unopinza; wakandiʋanza mumumvuri wecanza cake, akandiita museʋe unopenya, akandiceŋgeta mugoɓa rake;

3akati kwandiri: Ndiwe muranda waŋgu; Israeri wandinoɀirumbidza maari.

4Asi ndakati: Ndakatambura pasina, ndakapedza simba raŋgu pasina paɀinhu ɀisinamaturo; asi ɀirokwaɀo kururamisirwa kwaŋgu kuri kunaJehova, nomuɓairo waŋgu kunaMŋari waŋgu.

5Ɀino ɀanzi naJehova, wakandiʋumba kubva paciɀaro, kuti ndiʋe muranda wake, ndidzosere Jakobo ɀe kwaari, ʋuye kuti Israeri ʋaʋuŋganidzwe ɀe kwaari, (nokuti ndinokudzwa pamberi paJehova, Mŋari waŋgu ndiye waʋa simba raŋgu);

6ɀirokwaɀo, iye wakati: Cinhu ciɗuku kuti uʋe muranda waŋgu kuti umutse marudzi aJakobo, nokudzosa ɀe ʋakasara ʋaIsraeri; ndicakuita ʋo ciedza caʋahedeni, kuti kuponesa kwaŋgu kuȿikire kumugumo wenyika.

7Ɀanzi naJehova, Mudzikinuri waIsraeri, noMutȿene wake, kunounoɀidzwa naʋanhu, kunounoʋeŋgwa norudzi rwose, kumuranda waʋaɓati: Madzimambo acaʋona ndokusimuka; macinda naiwo acanamata, nokuɗa kwaJehova wakatendeka, iye Mutȿene waIsraeri, wakakusanaŋgura.

8Ɀanzi naJehova: Ndakakupindura neŋguʋa yakafanira, ndakakuɓatsira nezuʋa rokuponeswa; ndicakuceŋgeta, nokukuita suŋgano yaʋanhu, kuti umutse nyika, nokuʋagarisa nhaka dzakaŋga dzaparadzwa;

9kuti uti kunaʋakasuŋgwa: Ƃuɗai; nokunaʋagere murima: Ɀiratidzei. Ʋacadya ɀokudya panzira, namafuro aʋo acaʋa paɀikomo ɀisineɀiɓereko.

10Haʋaŋgaʋi nenzara kana nyota, haʋaŋgaɓayiwi nokupiswa kunyaŋge nezuʋa, nokuti iye, unoʋanzwira nyasha, ucaʋatuŋgamirira, ucaʋafambisa pamatsime emvura.

11Ndicaita makomo aŋgu ose nzira, migwagwa yaŋgu icakwiridzwa.

12Tarirai, ʋamŋe ʋacaʋuya ʋacibva kure; tarirai, ʋamŋe ʋacabva kurutiʋi rwokumsoro nokumaʋirazuʋa, naʋamŋe kunyika yeSinimi.

13Imbai, imi ɗeŋga rose, newe nyika ufare; imi makomo imbai kwaɀo, nokuti Jehova wakanyaradza ʋanhu ʋake, ucanzwira tsitsi ʋanotambudzika.

14Asi Zioni rakati: Jehova wakandisiya, Ishe wakandikaŋganwa.

15Ko mukadzi uŋgakaŋganwa mŋana wake waanomŋisa, akasaʋa netsitsi nomŋanakomana weciɀaro cake here? Ɀirokwaɀo aʋa ʋaŋgakaŋganwa, asi ini handiŋgakukaŋganwi.

16Tarira, ndakakunyora paɀanza ɀaŋgu; maȿiŋgo ako ari pamberi paŋgu ŋguʋa dzose.

17Ʋana ʋako ʋanokurumidza; ʋaparadzi ʋako naʋanokuita ɗoŋgo ʋacaɓuɗa mauri.

18Riŋgira kwose‐kwose nameso ako, uʋone; aʋa ʋose ʋanoʋuŋgana pamŋe cete, ʋaciʋuya kwauri. Noʋupenyu bgaŋgu, ndiɀo ɀinotaura Jehova, ɀirokwaɀo ucaɀifukidza naʋo ʋose secishoŋgo, ucaɀisuŋga ciʋuno naʋo somŋeŋga.

19Nokuti, kana ari matoŋgo ako nenɀimbo dzako dzakasiyiwa, nenyika yako yakaparadzwa, ɀirokwaɀo ɀino haiŋgariŋgani ʋagere mairi, naʋanokuminya ʋacaʋa kure.

20Ʋana, ʋawakaŋga watorerwa, ʋacaramba ʋaciti munzeʋe dzako: Pano hapatiriŋgani, tiratidzei nɀimbo patiŋgagara.

21Ipapo ucati mumŋoyo mako: Ndianiko wakandiɓerekera aʋa, ɀandakatorerwa ʋana ʋaŋgu, ndiri ndoga, ndadziŋgwa, ndicidzuŋgaira kwose‐kwose? Ndianiko wakarera aʋa? Tarirai, ndakaŋga ndasiyiwa ndoga; ko aʋa ʋakaŋga ʋaripi?

22Ɀanzi naShe Jehova: Tarirai, ndicasimudzira marudzi ruʋoko rwaŋgu, nokumisira ʋanhu mureza waŋgu; ʋacaʋuya naʋanakomana ʋako ʋanaʋo pacifuʋa caʋo, naʋakunda ʋako ʋacatakurwa pamafudzi aʋo.

23Madzimambo acaʋa madziɓaɓa anokurerai, naʋahosi ʋaʋo madzimai enyu anokurerai; ʋacakotama pamberi penyu ɀiso ɀaʋo ɀakatarira pasi, ʋacinanɀa guruʋa riri patsoka dzenyu; ipapo mucaziʋa kuti ndini Jehova; ʋanondimirira haʋaŋganyadziswi.

24Ko unesimba uŋgatorerwa ɀaakapamba here, kana ʋatapxa ʋowakarurama ʋaŋgarwirwa here?

25Asi ɀanzi naJehova: Kunyaŋge naʋatapxa ʋounesimba ʋacamutorerwa, neɀakapambga ɀounotyisa ɀicarwirwa; nokuti ndicarwa nounorwa newe, nokuponesa ʋana ʋako.

26Ʋanokumanikidza ndicaʋadyisa nyama yaʋo imene, ʋacaɓatwa neropa raʋo, seineŋge iri waini inonaka; nyama yose icaziʋa kuti ini Jehova, ndini Muponesi wako, noMudzikinuri wako, Unesimba waJakobo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help