Mapisarema 22 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Kucema kwomunhu wakasiyiwa naMŋari.Kumutuŋgamiriri wokuimba; nomuimbirwe weAjereti hashi‐Shahari. Pisarema raDavidi.

1Mŋari waŋgu, Mŋari waŋgu, mandisiyireiko?

Munomirireiko kure pakundiɓatsira, napamashoko okugomba kwaŋgu?

2Mŋari waŋgu, ndinoɗana masikati, asi hamupinduri;

Noʋusiku, asi handiwani zororo.

3Asi imi muri mutȿene,

Imi mugere parumbidzo dzaIsraeri.

4Madziɓaɓa eɗu akaʋimba nemi;

Ʋakaʋimba, imi mukaʋarwira.

5Ʋakacema kwamuri, ʋakarwirwa;

Ʋakaʋimba nemi, ʋakasanyadziswa.

6Asi ini ndiri honye, handizi munhu;

Ndiri cinhu cinoɀidzwa naʋanhu, cinoshoʋorwa naʋanhu ʋose.

7Ʋose, ʋanondiʋona ʋanondiseka;

Ʋanoshamisa muromo, ʋanodzuŋgudza misoro, ʋaciti:

8Ciɀiisai kunaJehova; iye ŋgaamurwire;

Ŋgaamurwire, ɀaanomufarira iye.

9Asi ndimi makandiɓuɗisa paciɀaro;

Makandiʋimbisa nemi ndiciri pamazamu amai ʋaŋgu.

10Ndakaiswa kwamuri kubva paciɀaro;

Imi muri Mŋari waŋgu kubva paɗumbu ramai ʋaŋgu.

11Regai kuʋa kure neni; nokuti njodzi iri pedyo;

Nokuti hapana‐uŋgaɓatsira.

12Hando zhinji dzakandikomba;

Hando dzinesimba dzaBashani dzakandipoteredza.

13Dzinondishamisira miromo yadzo,

Seshumba inoparadza iciʋomba.

14Ndakaɗururwa semvura,

Mafupa aŋgu ose akaȿoɗogoka;

Mŋoyo waŋgu wakafanana nenamo;

Wakanyauka mukati moʋura bgaŋgu.

15Simba raŋgu rakawoma secaeŋga;

Rurimi rwaŋgu rwakanamatira pashaya dzaŋgu;

Makandiisa paguruʋa rorufu.

16Nokuti imbga dzakandikomberedza;

Ʋuŋgano yaʋanoita ɀakaipa yakandipoteredza;

Ʋakabvoʋora maʋoko aŋgu namakumbo aŋgu;

17Ndiŋgaʋereŋga mafupa aŋgu ose;

Ʋanonditarira nokundinaŋanidza;

18Ʋanogoʋana ŋguʋo dzaŋgu pakati paʋo,

Ʋanokanda mijenya pamsoro pehanzu yaŋgu.

19Asi imi Jehova, regai kuʋa kure neni;

Imi simba raŋgu, kurumidzai kundiɓatsira.

20Rwirai mŋeya waŋgu pamunondo;

Muɗikanwa waŋgu pasimba rembga.

21Ndiponesei pamuromo weshumba;

Ɀirokwaɀo, makandipindura ndiri pakati penyaŋga dzenyati.

22Ndicaɗudzira zita renyu kuhama dzaŋgu;

Ndicakurumbidzai pakati peʋuŋgano.

23Imi munotya Jehova, murumbidzei;

Imi mose ʋana ʋaJakobo, mukudzei;

Mumutyei, imi mose ʋana ʋaIsraeri.

24Nokuti haana‐kuɀidza kana kusema ɗambudziko rounotambudzwa;

Kana kumuʋanzira ciso cake;

Asi paŋguʋa yaakacema kwaari wakamunzwa.

25Kurumbidza kwaŋgu paʋuŋgano huru kunobva kwamuri;

Ndicaripa mhiko dzaŋgu pamberi paʋanomutya.

26Ʋanyoro ʋacadya ʋakaguta;

Ʋanotȿaka Jehova ndiʋo ʋacamurumbidza;

Mŋoyo yenyu ŋgairarame nokusiŋgaperi.

27Migumo yose yenyika icaraŋgarira nokudzokera kunaJehova;

Marudzi ose aʋahedeni acanamata kwamuri.

28Nokuti ʋushe ndobgaJehova;

Ndiye muɓati waʋahedeni.

29Ʋakuru ʋose ʋenyika ʋacadya nokunamata;

Ʋose ʋanoɓurukira kuguruʋa ʋacafugama pamberi pake,

Naiye usiŋgagoni kuraramisa mŋeya wake.

30Ʋana ʋake ʋacanamata kwaari;

Rudzi runoteʋera rucaʋudzwa ɀaJehova.

31Ʋacaʋuya ʋaciɗudzira kururama kwake

Kuʋanhu ʋacazoɀarwa, kuti ndiye wakaɀiita.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help