Mapisarema 65 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Davidi unorumbidza Mŋari.Kumutuŋgamiriri wokuimba. Pisarema‐Rwiyo rwaDavidi.

1Imi Mŋari munofanira kurumbidzwa paZioni;

Imi munofanira kuitirwa mhiko.

2Imi ʋokunzwa munyeŋgetero,

Ʋanhu ʋose ʋanofanira kuʋuya kwamuri.

3Mashoko akaipa ondikunda;

Kana kuri kuɗarika kweɗu mucakudzima imi.

4Wakaropafadzwa munhu wamunosanaŋgura, wamunosweɗedza kwamuri,

Kuti agare paʋazhe dzenyu;

Isu ticagutiswa noʋunaki bgeimba yenyu,

Iyo nɀimbo tȿene yetembere yenyu.

5Mukururama kwenyu munotipindura neɀinhu ɀinotyisa,

Imi Mŋari muponesi weɗu;

Imi ciʋimbo camatiʋi ose apasi,

Naʋari kure paguŋgwa;

6Iye, unoteya makomo nesimba rake;

Iye, wakasuŋgwa ciʋuno nesimba;

7Iye, unonyaradza kutinhira kwamakuŋgwa, iko kutinhira kwamafuŋgo awo,

Nokupopota kwaʋanhu.

8Naiʋo ʋagere kumigumo ʋanotya ɀiratidzo ɀenyu;

Munofadza maɓuɗire amaŋgwanani naamaɗeko.

9Munoshanyira pasi, munopaɗiridza,

Munopafumisa kwaɀo;

Rwizi rwaMŋari ruzere nemvura;

Munoʋagadzirira ɀiyo, kana magadzira pasi saiɀoɀo.

10Munozadza mihoroŋga yapo kwaɀo;

Munoenzanisa mipanje yapo;

Munopanyoroʋesa nemvura inopfunha;

Munoropafadza ɀinomera ɀapo.

11Munoshoŋgedza mŋaka nekorona yoʋunaki bgenyu;

Makwara enyu anoɗonha mafuta.

12Anoɗonha pamafuro erenje;

Ɀikomo ɀinoɀisuŋga nomufaro.

13Mafuro akafukidzwa namapoka eɀipfuwo;

Ʋuye mipata ʋo yakafukidzwa neɀiyo;

Ɀinopururudza, ɀiciimba ʋo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help