II Madzimambo 13 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Jehoahazi naJoashi madzimambo aIsraeri.

1Ɀino negore ramakumi maʋiri namatatu raJoashi mŋanakomana waAhazia, mambo waJuda, Jehoahazi mŋanakomana waJehu wakataŋga kuɓata ʋushe bgaIsraeri paSamaria, akaʋuɓata makore anegumi namanomŋe.

2Akaita ɀakaipa pamberi paJehova, akateʋera ɀiʋi ɀaJeroboami mŋanakomana waNebati, ɀaakatadzisa Israeri naɀo; haana‐kutsauka kwaɀiri.

3Ɀino Jehova akatsamŋira Israeri, akaʋaisa muruʋoko rwaHazaeri mambo weSiria, nomuruʋoko rwaBeni‐hadadi mŋanakomana waHazaeri mazuʋa ose.

4Ipapo Jehoahazi akanyeŋgetera kunaJehova, Jehova akamunzwa; nokuti wakaʋona kutambudzwa kwaIsraeri kwaʋakatambudzwa nako namambo weSiria.

5(Asi Jehova wakapa Israeri muponesi, ʋakasunuŋguka pamaʋoko aʋaSiria; ʋana ʋaIsraeri ʋakagara mumatente aʋo sakare.

6Kunyaŋge ɀakaɗaro haʋana‐kutsauka paɀiʋi ɀeimba yaJeroboami, ɀaakatadzisa Israeri naɀo, asi ʋakaramba ʋacifamba maɀiri; ʋuye matanda okunamata nawo akaramba ari’po paSamaria.)

7Nokuti haana‐kusiyira Jehoahazi ʋanhu, asi ʋataȿi ʋamabiza ʋanamakumi mashanu, neŋgoro dzinegumi, naʋanhu ʋaifamba namakumbo ʋaneɀuru ɀinegumi; nokuti mambo weSiria wakaʋaparadza, akaʋaita seguruʋa rinotsikwa pasi.

8Mamŋe maɓasa aJehoahazi, neɀose ɀaakaita, nesimba rake, haɀina‐kunyorwa here mubuku yamakoronike amadzimambo aIsraeri?

9Jehoahazi akaʋata namadziɓaɓa ake, ʋakamuʋiga paSamaria; Joashi mŋanakomana wake akamuteʋera paʋushe.

10Negore ramakumi matatu namanomŋe raJoashi mambo waJuda, Jehoashi mŋanakomana waJehoahazi wakataŋga kuɓata ʋushe bgaIsraeri paSamaria, akaʋuɓata makore anegumi namatanhatu.

11Akaita ɀakaipa pamberi paJehova; haana‐kutsauka paɀiʋi ɀaJeroboami mŋanakomana waNebati, ɀaakatadzisa Israeri naɀo; asi wakaramba acifamba maɀiri.

12Mamŋe maɓasa aJoashi, neɀose ɀaakaita, nesimba rake raakarwa naro naAmazia mambo waJuda, haɀina‐kunyorwa here mubuku yamakoronike amadzimambo aIsraeri?

13Joashi akaʋata namadziɓaɓa ake, Jeroboami akagara pacigaro cake coʋushe; Joashi akaʋigwa paSamaria kunamadzimambo aIsraeri.

Kufa kwaErisha.

14Ɀino Erisha wakarwara nokurwara kwaakazofa nako, Joashi mambo waIsraeri akaenda kwaari, akacema pamsoro pake, akati: Ƃaɓa ʋaŋgu, ɓaɓa ʋaŋgu, ŋgoro yaIsraeri naʋataȿi ʋamabiza ayo!

15Erisha akati kwaari: Tora ʋuta nemiseʋe; akatora ʋuta nemiseʋe.

16Akati kunamambo waIsraeri: Isa ruʋoko rwako paʋuta; iye akaisa ruʋoko rwake paʋuta. Erisha akaisa maʋoko ake pamsoro pamaʋoko ake.

17Akati: Zarura windi rinotarira mabvazuʋa; iye akarizarura. Ɀino Erisha akati: Fura! Iye akafura. Akati: Ndiwo museʋe waJehova unokunda, ndiwo museʋe unokunda ʋaSiria; nokuti imi mucakunda ʋaSiria paAfeki, kuȿikira maʋaparadza.

18Akati: Tora miseʋe; iye akaitora. Akati kunamambo waIsraeri: Roʋa pasi! Iye akaroʋa pasi katatu, akarega.

19Ipapo munhu waMŋari akamutsamŋira, akati: Waifanira kuroʋa kashanu kana katanhatu, ipapo waikunda ʋaSiria kuȿikira waʋaparadza cose; asi ɀino ucakunda ʋaSiria katatu ɓedzi.

20Erisha akafa, ʋakamuʋiga. Ɀino hondo dzaʋaMoabi dzikapinda munyika pakutaŋga kwegore.

21Ɀino mumŋe musi ʋakati ʋaciʋiga munhu, ʋakaʋona hondo yaʋaMoabi, ʋakakandira munhu mubgiro bgaErisha; ɀino munhu uyo wakati acigunɀa mafupa aErisha, akararama ɀe, akamira namakumbo ake.

22Ɀino Hazaeri mambo weSiria akatambudza ʋaIsraeri mazuʋa ose aJehoahazi.

23Asi Jehova wakaʋanzwira tsitsi, akaʋa nenyasha naʋo, akaʋa ʋo nehanya naʋo, nokuɗa kwesuŋgano yake naAbrahama, naIsaka, naJakobo; akasaɗa kuʋaparadza, kana kuʋarashira kure naye paŋguʋa iyo.

24Ɀino Hazaeri mambo weSiria akafa, Beni‐hadadi mŋanakomana wake akamuteʋera paʋushe.

25Ipapo Jehoashi mŋanakomana waJehoahazi akatorera ɀe Beni‐hadadi mŋanakomana waHazaeri, maguta aakaŋga atorera ɓaɓa ʋake Jehoahazi pakurwa. Joashi akamukunda katatu, akatora ɀe maguta aIsraeri.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help