Mapisarema 64 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Munyeŋgetero waDavidi kuti arwirwe paʋaʋeŋgi ʋake.Kumutuŋgamiriri wokuimba. Pisarema raDavidi.

1Inzwai inzwi raŋgu, Mŋari, pakucema kwaŋgu;

Ceŋgetai ʋupenyu bgaŋgu ndirege kutyiswa nomuʋeŋgi.

2Ndiʋanzei pakuraŋgana kwakaʋanda kwaʋanoita ɀakaipa;

Paɓope raʋanoɓata ɀakaipa;

3Iʋo ʋakarodza rurimi rwaʋo somunondo,

Ʋakashumba miseʋe yaʋo, iwo mashoko anoʋaʋa;

4Kuti ʋafure wakarurama, ʋakaʋanda iʋo;

Kamŋe‐kamŋe ʋanomufura, ʋasiŋgatyi.

5Ʋanotsuŋgirira pazano rakaipa;

Ʋanoraŋgana kuteya misuŋgo pakaʋanda;

Ʋanoti: Ndianiko uŋgaɀiʋona?

6Ʋanofuŋgisisa ɀakaipa;

Ʋanoti: Tapedza kufuŋgisisa zano guru;

Kufuŋga kwomukati kwomumŋe nomumŋe, nomŋoyo, ɀakadzika.

7Asi Mŋari ucaʋafura,

Ʋacakuʋadzwa kamŋe‐kamŋe nomuseʋe.

8Naiɀoɀo ʋacagumbuswa, ndimi dzaʋo dziciʋapupurira ɀakaipa;

Ʋose ʋanoʋaʋona ʋacadzuŋgudza musoro.

9Ʋanhu ʋose ʋacatya;

Ʋacaparidza ɓasa raMŋari,

Ʋacicerekedza ɀakanaka ɀaanoita.

10Ʋakarurama ʋacafara munaJehova, ʋacaʋimba naye;

Ʋose ʋanemŋoyo yakarurama ʋacafara kwaɀo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help