Mika 4 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Rugare rucaʋa’po namazuʋa okupedzisira.

1Asi namazuʋa okupedzisira gomo reimba yaJehova ricagadzwa pamisoro yamakomo, ricakwiridzwa kumsoro kweɀikomo; marudzi aʋanhu acamhanyira kwariri.

2Marudzi mazhinji acaenda, aciti: Ʋuyai, hendei kugomo raJehova nokuimba yaMŋari waJakobo; iye ucatidzidzisa nzira dzake, ʋuye isu ticafamba namakwara ake. Nokuti paZioni ndi’po pacaɓuɗa murairo, napaJerusarema shoko raJehova.

3Iye ucatoŋga pakati pamarudzi mazhinji, ucaruramisira marudzi anesimba ari kure; ʋacapfura minondo yaʋo ʋaciiita mapadza, namapfumo aʋo ʋaciaita mapaŋga okucekerera miti; rudzi rumŋe haruŋgazosimudziri rumŋe rudzi munondo, haʋaŋgazodzidzi kurwa.

4Asi mumŋe nomumŋe ucagara pasi pomuzambiriŋga wake napasi pomuʋonde wake, hakuna‐uŋgazoʋatyisa, nokuti muromo waJehova wehondo wakataura iɀoɀo.

5Nokuti marudzi ose aʋanhu anofamba, rumŋe norumŋe nezita ramŋari warwo; asi isu ticafamba nezita raJehova Mŋari weɗu nokusiŋgaperi‐peri.

6Nezuʋa iro — ndiɀo ɀinotaura Jehova — ndicaʋuŋganidza ʋanokamhina, ndicaʋuŋganidza ʋakadziŋgwa, naʋakatambudzwa neni;

7ʋaikamhina ndicaʋaita ʋakasara, ʋuye ʋakaŋga ʋakarashirwa kure ndicaʋaita rudzi rwakasimba; Jehova ucaʋaɓata ʋushe pagomo reZioni kubva ɀino nokusiŋgaperi.

8Ɀino iwe, rutura rwamakwai, iwe cikomo comukunda weZioni, ɀicaȿika kwauri, ɀirokwaɀo ʋushe bgokutaŋga ʋucaȿika, ibgo ʋushe bgomukunda weJerusarema.

9Ɀino munoɗanidzireiko? Hakunamambo pakati penyu here, gota renyu raparara here, ɀamaɓatwa nokurwadziwa sokwomukadzi unosurumuka?

10Cirwadziwa, utambure nokusurumuka, iwe mukunda weZioni, somukadzi uri pakusurumuka; nokuti ɀino ucaɓuɗa muguta, ucandogara kusaŋgo, ucandoȿika Babironi; ipapo ucandorwirwa, Jehova ucakudzikinura’po pamaʋoko aʋaʋeŋgi ʋako.

11Ɀino marudzi mazhinji aʋanhu akakuʋuŋganira, anoti: Ŋgaaȿiɓiswe, meso eɗu ŋgaaʋone Zioni.

12Asi haʋaziʋi ɀinofuŋgwa naJehova, haʋanzwisisi ɀaakatema; nokuti wakaʋaʋuŋganidza semŋanda paɓuriro.

13Simuka upure, iwe mukunda weZioni, nokuti runyaŋga rwako ndicaruita ɗare, ʋuye mahwanda ako ndicaaita ndarira; ucaputsanya marudzi mazhinji; ɀaʋakaɀiwanira ndicaɀitsaurira Jehova, fuma yaʋo ndicapa Ishe wenyika yose.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help