Mapisarema 95 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Jehova ŋgaakudzwe atererwe naʋanhu.

1Ʋuyai, tiimbire Jehova;

Ŋgatipururudzei ɗombo rokuponeswa kweɗu.

2Ŋgatiȿike pamberi pake ticiʋoŋga,

Ŋgatimupururudzei namapisarema,

3Nokuti Jehova ndiMŋari mukuru,

Mambo mukuru unokunda ʋamŋari ʋose.

4Nɀimbo dzakadzika dzapasi dziri muruʋoko rwake;

Misoro yamakomo ndeyake ʋo.

5Guŋgwa nderake, ndiye wakariita;

Maʋoko ake akaʋumba nyika yakawoma.

6Ʋuyai, tinamate tikotamire pasi;

Ŋgatifugame pamberi paJehova Muiti weɗu.

7Nokuti ndiye Mŋari weɗu,

Isu tiri ʋanhu ʋanofudzwa naye, namakwai oruʋoko rwake.

Nhasi ɗai mucinzwa henyu inzwi rake!

8Regai kuwomesa mŋoyo yenyu sapaMeriba,

Sapazuʋa reMasa murenje;

9Paŋguʋa yandakaidzwa namadziɓaɓa enyu,

Ʋakandiidza, ʋakaʋona ɀandakaita.

10Ndakaŋga ndineshuŋgu pamsoro porudzi urwo makore makumi manna,

Ndikati: Ndiʋanhu ʋakarashika pamŋoyo yaʋo,

Haʋana‐kuziʋa nzira dzaŋgu;

11Saka ndakapika pakutsamŋa kwaŋgu, ndikati:

Haʋaŋgazopindi pazororo raŋgu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help