Ezekieri 25 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Cireʋo pamsoro paʋaAmoni navaMoabi.

1Ɀino shoko raJehova rakaȿika kwandiri, riciti:

2Mŋanakomana womunhu, rinzira ciso cako kuʋana ʋaAmoni, uprofite pamsoro paʋo;

3uti kuʋana ʋaAmoni: Inzwai shoko raShe Jehova: Ɀanzi naShe Jehova: Imi ɀamakati Toko! pamsoro penɀimbo yaŋgu tȿene, paŋguʋa yokumhurwa kwayo, napamsoro penyika yaIsraeri paŋguʋa yokuitwa kwayo ɗoŋgo, napamsoro peimba yaJuda, paŋguʋa yokutapxa kwaʋo;

4naiɀoɀo tarirai, ndicakuisai kuʋana ʋamabvazuʋa muʋe ʋaʋo, ʋacaisa misasa yaʋo pakati penyu, ʋacaʋaka dzimba dzaʋo pakati penyu; ʋacadya micero yenyu, nokunwa mukaka wenyu.

5Raba ndicariita mafuro amakamera, nenyika yaʋana ʋaAmoni nɀimbo inoʋata makwai; ɀino mucaziʋa kuti ndini Jehova.

6Nokuti ɀanzi naShe Jehova: Ɀamakaroʋanya maʋoko enyu, nokutsikisa netsoka dzenyu, mukafara pamsoro penyika yaIsraeri muciʋaɀidza nemŋeya yenyu yose;

7ɀino tarirai, ndakatambanudzira ruʋoko rwaŋgu pamsoro penyu, ndicakuisai kumarudzi muʋe secinhu cakapambga; ndicakubvisai pakati pamarudzi, ndicakupedzai panyika dzose; ndicakuparadzai, ɀino mucaziʋa kuti ndini Jehova.

8Ɀanzi naShe Jehova: Moabi naSeiri ɀaʋanoti: Tarirai, imba yaJuda yakafanana namarudzi ose;

9naiɀoɀo, tarirai, ndicazarura rutiʋi rwenyika yaMoabi kubva kumaguta, kubva kumaguta aro ari kumiganho yaro, ibgo ʋukomba bgenyika, anoti: Beti‐jeshimoti neBaari‐meoni neKiriataimi,

10ndicaɀipa ʋana ʋokumabvazuʋa, pamŋe cete naʋana ʋaAmoni, iʋe yaʋo, kuti ʋana ʋaAmoni ʋarege kuzoraŋgarirwa pakati pamarudzi;

11ndicatoŋga Moabi; ɀino ʋacaziʋa kuti ndini Jehova.

Cireʋo pamsoro paʋaEdomi naʋaFiristia.

12Ɀanzi naShe Jehova: Edomi ɀaʋakatsiʋa imba yaJuda, ʋakapara mhaka kwaɀo, ʋakaɀitsiʋira kwaʋari;

13naiɀoɀo ɀanzi naShe Jehova: Ndicatambanudzira ruʋoko rwaŋgu pamsoro paEdomi, ndicaparadza’po ʋanhu neɀipfuwo, ndicaiita ɗoŋgo kubva paTemani, ʋacaʋurawa nomunondo kuȿikira paDedani.

14Ndicaɀitsiʋira kunaEdomi namaʋoko aʋanhu ʋaŋgu Israeri; ʋacaitira Edomi ɀakarebga nokutsamŋa kwaŋgu nehasha dzaŋgu, ʋacaziʋa kutsiʋa kwaŋgu — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.

15Ɀanzi naShe Jehova: ƲaFiristia ɀaʋakaɀitsiʋira, ʋakatsiʋa ʋaciɀidza nemŋeya yaʋo, ʋaciɗa kuparadza nokuʋeŋga kusiŋgaperi,

16naiɀoɀo, ɀanzi naShe Jehova: Tarirai, ndicatambanudzira ruʋoko rwaŋgu pamsoro paʋaFiristia, ndicabvisa ʋaKereti nokuparadza ʋakasara pamhenderekedzo dzeguŋgwa.

17Ndicaɀitsiʋira kwaʋari nokutsiʋa kukuru nokutuka kwehasha; ʋacaziʋa kuti ndini Jehova, kana ndiciʋuyisa kutsiʋa kwaŋgu pamsoro paʋo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help