1Ɀino shoko raJehova rakaȿika kwandiri, riciti:
2Mŋanakomana womunhu, rinzira ciso cako kuʋana ʋaAmoni, uprofite pamsoro paʋo;
3uti kuʋana ʋaAmoni: Inzwai shoko raShe Jehova: Ɀanzi naShe Jehova: Imi ɀamakati Toko! pamsoro penɀimbo yaŋgu tȿene, paŋguʋa yokumhurwa kwayo, napamsoro penyika yaIsraeri paŋguʋa yokuitwa kwayo ɗoŋgo, napamsoro peimba yaJuda, paŋguʋa yokutapxa kwaʋo;
4naiɀoɀo tarirai, ndicakuisai kuʋana ʋamabvazuʋa muʋe ʋaʋo, ʋacaisa misasa yaʋo pakati penyu, ʋacaʋaka dzimba dzaʋo pakati penyu; ʋacadya micero yenyu, nokunwa mukaka wenyu.
5Raba ndicariita mafuro amakamera, nenyika yaʋana ʋaAmoni nɀimbo inoʋata makwai; ɀino mucaziʋa kuti ndini Jehova.
6Nokuti ɀanzi naShe Jehova: Ɀamakaroʋanya maʋoko enyu, nokutsikisa netsoka dzenyu, mukafara pamsoro penyika yaIsraeri muciʋaɀidza nemŋeya yenyu yose;
7ɀino tarirai, ndakatambanudzira ruʋoko rwaŋgu pamsoro penyu, ndicakuisai kumarudzi muʋe secinhu cakapambga; ndicakubvisai pakati pamarudzi, ndicakupedzai panyika dzose; ndicakuparadzai, ɀino mucaziʋa kuti ndini Jehova.
8Ɀanzi naShe Jehova: Moabi naSeiri ɀaʋanoti: Tarirai, imba yaJuda yakafanana namarudzi ose;
9naiɀoɀo, tarirai, ndicazarura rutiʋi rwenyika yaMoabi kubva kumaguta, kubva kumaguta aro ari kumiganho yaro, ibgo ʋukomba bgenyika, anoti: Beti‐jeshimoti neBaari‐meoni neKiriataimi,
10ndicaɀipa ʋana ʋokumabvazuʋa, pamŋe cete naʋana ʋaAmoni, iʋe yaʋo, kuti ʋana ʋaAmoni ʋarege kuzoraŋgarirwa pakati pamarudzi;
11ndicatoŋga Moabi; ɀino ʋacaziʋa kuti ndini Jehova.
Cireʋo pamsoro paʋaEdomi naʋaFiristia.12Ɀanzi naShe Jehova: Edomi ɀaʋakatsiʋa imba yaJuda, ʋakapara mhaka kwaɀo, ʋakaɀitsiʋira kwaʋari;
13naiɀoɀo ɀanzi naShe Jehova: Ndicatambanudzira ruʋoko rwaŋgu pamsoro paEdomi, ndicaparadza’po ʋanhu neɀipfuwo, ndicaiita ɗoŋgo kubva paTemani, ʋacaʋurawa nomunondo kuȿikira paDedani.
14Ndicaɀitsiʋira kunaEdomi namaʋoko aʋanhu ʋaŋgu Israeri; ʋacaitira Edomi ɀakarebga nokutsamŋa kwaŋgu nehasha dzaŋgu, ʋacaziʋa kutsiʋa kwaŋgu — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.
15Ɀanzi naShe Jehova: ƲaFiristia ɀaʋakaɀitsiʋira, ʋakatsiʋa ʋaciɀidza nemŋeya yaʋo, ʋaciɗa kuparadza nokuʋeŋga kusiŋgaperi,
16naiɀoɀo, ɀanzi naShe Jehova: Tarirai, ndicatambanudzira ruʋoko rwaŋgu pamsoro paʋaFiristia, ndicabvisa ʋaKereti nokuparadza ʋakasara pamhenderekedzo dzeguŋgwa.
17Ndicaɀitsiʋira kwaʋari nokutsiʋa kukuru nokutuka kwehasha; ʋacaziʋa kuti ndini Jehova, kana ndiciʋuyisa kutsiʋa kwaŋgu pamsoro paʋo.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.