1Ndirwirei paʋaʋeŋgi ʋaŋgu, Mŋari waŋgu;
Ndiisei pakakwirira kure naʋanondimukira.
2Ndirwirei paʋaiti ʋeɀakaipa,
Ndiponesei paʋanhu ʋeropa.
3Nokuti tarirai, ʋanoʋandira mŋeya waŋgu;
Ʋanesimba ʋakaʋuŋgana kuzorwa neni;
Hakuzi nokuɗa kwokuɗarika kwaŋgu kana kweɀiʋi ɀaŋgu, Jehova.
4Ʋanomhanya nokuɀigadzira, ini ndisinemhoȿa haŋgu;
Mukai mundiɓatsire, muʋone.
5Iyemi Jehova, Mŋari wehondo, Mŋari waIsraeri,
Mukai mushanyire ʋahedeni ʋose;
Musanzwira tsitsi muɗariki upi noupi wakaipa.
6Ʋanodzoka maɗekwana, ʋanowudza sembga,
Ʋanopota neguta.
7Tarirai, ʋanodɀoʋa nemiromo yaʋo;
Minondo iri pamiromo yaʋo;
Nokuti ʋanoti: Ndianiko uŋganzwa?
8Asi imi Jehova mucaʋaseka;
Mucaɗaɗira ʋahedeni ʋose.
9Imi simba raŋgu, ndicakumirirai;
Nokuti Mŋari ndiye nhare yaŋgu yakakwirira.
10Mŋari waŋgu ucandiciŋgura netsitsi dzake;
Mŋari ucandiʋonesa kukundwa kwaʋaʋeŋgi ʋangu.
11Musaʋaʋuraya, kuti ʋanhu ʋaŋgu ʋarege kukaŋganwa;
Muʋaparadzire nesimba renyu, muʋawisire pasi,
Ishe nhoʋo yeɗu.
12Nokuɗa kweciʋi comuromo waʋo, namashoko emiromo yaʋo,
Ŋgaʋaɓatwe pakuɀikudza kwaʋo,
Ʋuye nokuɗa kwokutuka nenhema dzaʋanotaura.
13Ʋapedzei nehasha, ʋapedzei, ʋarege kuzoʋa’po;
Ŋgaʋaziʋe kuti Mŋari unoɓata ʋushe pakati paJakobo,
Kuȿikira kumigumo yenyika.
14Paŋguʋa yamaɗekwana ŋgaʋadzoke, ŋgaʋawudze sembga,
Ŋgaʋapota‐pote neguta.
15Ʋacadzuŋgaira ʋacitȿaka ɀokudya,
Ʋacagara ʋusiku bgose kana ʋasiŋgaguti.
16Asi ini ndicaimba ndicireʋa simba renyu;
Ɀirokwaɀo ndicarumbidza tsitsi dzenyu maŋgwanani;
Nokuti makaŋga muri nhare yaŋgu yakakwirira,
Noʋutiziro bgaŋgu pazuʋa rokutambudzika kwaŋgu.
17Ndicakuimbirai nziyo dzokurumbidza, imi simba raŋgu;
Nokuti Mŋari ndiye nhare yaŋgu yakakwirira, iye Mŋari unondinzwira tsitsi.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.