Mapisarema 60 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Davidi unocema kukundwa kwaʋo naʋaʋeŋgi ʋaʋo.Kumutuŋgamiriri wokuimba; nomuimbirwe weShushani Eduti; rwiyo rweMiktami rwaDavidi, kudzidzisa; paŋguʋa yaakarwa naArami‐naharaimi naArami‐zoba, Joabi akadzoka akaʋuraya paMupata woMunyu ʋaEdomi ʋaneɀuru ɀinegumi neɀiʋiri.

1Mŋari, makatirasha, makatiparadza;

Makaŋga makatsamŋa; Haiwa, tidzorei.

2Makabvundisa nyika; makaitsemura;

Gadzirai mitswe yayo; nokuti inozunuŋguka.

3Makaratidza ʋanhu ʋenyu ɀinhu ɀinorema;

Makatinwisa waini inoɓata.

4Makapa ʋanokutyai mureza,

Kuti uratidzwe nokuɗa kweɀokwaɗi.

5Kuti ʋaɗikanwa ʋenyu ʋarwirwe,

Tiponesei noruʋoko rwenyu rworudyi, mutipindure.

6Mŋari wakataura paʋutȿene bgake, aciti: Ndicafara kwaɀo;

Ndicaganhura Shekemi, ndicayera mupata weSukoti.

7Gireadi ndeyaŋgu Manase ndeyaŋgu;

Efraimi ʋo inhaʋiro yomusoro waŋgu;

Juda ndiyo tȿimbo yaŋgu yoʋushe.

8Moabi ndiwo mudziyo waŋgu wokushambidzira;

Pamsoro peEdomi ndi’po pandicakandira shaŋgu yaŋgu;

Iwe Firistia, pururudza nokuɗa kwaŋgu.

9Ndianiko ucandiisa muguta rakasimba?

Ndianiko ucandiperekedza ndiende Edomi?

10Hamuna‐kutirasha here, Mŋari?

Hamuɓuɗi Mŋari, nehondo dzeɗu.

11Tiɓatsirei pamudziʋisi weɗu;

Nokuti kuɓatsira kwaʋanhu hakunamaturo.

12MunaMŋari ticaita noʋumhare;

Nokuti ndiye ucatsika ʋadziʋisi ʋeɗu pasi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help