1Ɀino mambo akatuma ʋanhu ʋakaʋuŋganidza ʋakuru ʋose ʋaJuda naʋeJerusarema.
2Mambo akakwira kumba kwaJehova, anaʋarume ʋose ʋaJuda, naʋose ʋakaŋga ʋagere Jerusarema, naʋaprista, naʋaprofita, naʋanhu ʋose, ʋaɗuku naʋakuru; akaʋaraʋira mashoko ose ebuku yesuŋgano yakawanikwa mumba maJehova.
3Mambo akamira pambiru, akaita suŋgano pamberi paJehova, akaɀisuŋga kuteʋera Jehova, nokuceŋgeta mirairo yake neɀipupuriro, neɀaakatema, nomŋoyo wake wose nomŋeya wake wose, kuti asimbise mashoko esuŋgano iyi, akaŋga akanyorwa mubuku iyi; ʋanhu ʋose ʋakasimbisa suŋgano iyo.
4Ipapo mambo akaraira muprista mukuru Hirkia, naʋaprista ʋaimuteʋera, naʋatariri ʋomukoʋa, kuti ʋaɓuɗise patembere yaJehova nhumbi dzose dzakaŋga dzaitirwa Baari neAshera nehondo dzose dzokuɗeŋga; akadzipisa kunze kweJerusarema muruwa rwaKidroni, akaisa maɗota adzo paBeti‐eri.
5Akaparadza ʋaprista ʋeɀifananidzo, ʋakaŋga ʋagadzwa namadzimambo aJuda kuti ʋapise ɀinonhuwira pamatunhu akakwirira mumaguta aJuda, nenɀimbo dzakapoteredza Jerusarema; ʋuye ʋose ʋaipisa ɀinonhuwira kunaBaari, nezuʋa, nomŋedzi, nenyeredzi, nehondo dzose dzokuɗeŋga.
6Akaɓuɗisa ʋo Ashera mumba maJehova, akaiisa kunze kweJerusarema kurukoʋa rwaKidroni, akaipisa parukoʋa rwaKidroni, akaikuya ikaita maɗota, akakanda maɗota ayo pamsoro pamarinda aʋarombo.
7Akaputsa ʋo dzimba dzaʋasodomi, dzakaŋga dziri paimba yaJehova, pairukira ʋakadzi macira eAshera.
8Akaɓuɗisa ʋaprista ʋose mumaguta aJuda, akashatsa matunhu akakwirira, paipisira ʋaprista ɀinonhuwira, kubva paGeba kuȿikira paBeeri‐sheba; akaputsa matunhu akakwirira pamasuʋo, aiʋa paʋanopinda napo pasuʋo raJoshua muɓati weguta, aiʋa kuruɓoshwe rwomunhu kana opinda nesuʋo reguta.
9Asi ʋaprista ʋamatunhu akakwirira haʋazaikwira kuartari yaJehova paJerusarema, asi ʋaidya ɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa pakati pehama dzaʋo.
10Akashatsa Tofeti raiʋa pamupata waʋana ʋaHinomi, kuti kurege kuʋa nomunhu unopinza mŋanakomana wake kana mŋanasikana wake mumŋoto nokuɗa kwaMoreki.
11Akabvisa mabiza akaŋga apiwa namadzimambo kuzokudza zuʋa paʋanopinda napo paimba yaJehova, pakamuri yaNatani‐mereki mutariri weimba yomukati yakaŋga iri paɓiraʋira, akapisa ŋgoro dzezuʋa.
12Akaputsa ʋo artari dzaiʋa pamsoro peɗeŋga rekamuri yokumsoro yaAhazi, dzakaŋga dzaʋakwa namadzimambo aJuda, neartari dzakaŋga dzaʋakwa naManase muʋazhe mbiri dzeimba yaJehova, akadzikoromora, akakanda guruʋa radzo murukoʋa Kidroni.
13Mambo akashatsa ʋo matunhu akakwirira aiʋa pamberi peJerusarema, aiʋa kurudyi rwegomo rokuparadza, akaŋga aʋakirwa Ashtoreti, mŋari unonyaŋgadza waʋaZidoni, naKemoshi, mŋari unonyaŋgadza waMoabi, naMirkomi, mŋari unonyaŋgadza waʋana ʋaAmoni, naSoromoni mambo waIsraeri.
14Akaputsanya ʋo shoŋgwe dzamabge, akaparadza matanda okunamata nawo, ndokuzadza nɀimbo yaɀo namafupa aʋanhu.
15Ʋuye artari ʋo yaiʋa paBeti‐eri, neɗunhu rakakwirira rakaʋakwa naJeroboami mŋanakomana waNebati, iye wakatadzisa Israeri, artari iyo neɗunhu iro rakakwirira akaɀiputsa, akapisa ɗunhu rakakwirira, akariputsanya rikaita guruʋa, akapisa ɗanda rokunamata naro.
16Ɀino Josia wakati acitendeʋuka, akaʋona marinda aiʋa mugomo, akatuma ʋanhu ʋakatora mafupa aiʋa mumarinda, ʋakaapisa paartari iyo, akaishatsa seɀakaŋga ɀataurwa neshoko raJehova rakaparidzwa nomunhu waMŋari, iye wakaɗeya kuparidza ɀinhu iɀi.
17Ɀino akati: Shoŋgwe iyi yandinoʋona ndeyeiko? Ʋanhu ʋeguta ʋakati kwaari: Ndiro rinda romunhu waMŋari, wakaɗeya kubva kwaJuda, akaparidza ɀinhu iɀo ɀamakaitira artari yeBeti‐eri.
18Akati: Ŋgaazorore hake; ŋgakurege kuʋa nomunhu unobvisa mafupa ake. Naiɀoɀo ʋakarega mafupa ake pamŋe cete namafupa omuprofita wakaŋga abva Samaria.
19Ʋuye dzimba dzose dzamatunhu akakwirira dzaiʋa pamaguta eSamaria, dzakaŋga dzakaʋakwa namadzimambo aIsraeri, ʋakatsamŋisa Jehova nadzo, idzo dzakabviswa naJosia, akadziitira ɀose ɀaakaita paBeti‐eri.
20Akaʋuraya ʋaprista ʋose ʋamatunhu akakwirira ʋaiʋa’po, pamsoro peartari, akapisira pamsoro padzo mafupa aʋanhu; akadzokera Jerusarema.
21Ɀino mambo akaraira ʋanhu ʋose, akati: Itirai Jehova Mŋari wenyu paseka, seɀakanyorwa mubuku iyi yesuŋgano.
22Ɀirokwaɀo, haʋana‐kumboita paseka yakaɗai, kubva pamazuʋa aʋatoŋgi ʋaitoŋga Israeri, kana pamazuʋa ose amadzimambo aIsraeri, kana madzimambo aJuda.
23Asi negore regumi namasere ramambo Josia ʋakaitira Jehova paseka iyi paJerusarema.
24Josia akabvisa ʋo maȿikiro ose, naʋaroyi, namaterafimi, neɀifananidzo, neɀose ɀinonyaŋgadza, ɀakawanikwa munyika yaJuda napaJerusarema, kuti asimbise mashoko omurairo, akaŋga akanyorwa mubuku yakawanikwa mumba maJehova naHirkia muprista.
25Hakunamambo wakamutaŋgira wakaŋga akafanana naye, wakatendeʋukira kunaJehova nomŋoyo wake wose, nomŋeya wake wose, nesimba rake rose, aciteʋera murairo wose waMosesi; ʋuye hakunomumŋe wakamuteʋera wakaŋga akafanana naye.
26Kunyaŋge ɀakaɗaro Jehova haana‐kushandura kutsamŋa kwake kukuru, kwakamutsa hasha dzake kunaJuda, nokuɗa kwokutsamŋisa kwose kwaakatsamŋiswa nako naManase.
27Jehova akati: NaJuda ʋo ndicaʋabvisa pamberi paŋgu, seɀandakabvisa Israeri; ndicaramba guta iri reJerusarema, randakaɀitsaurira, neimba yandakati pamsoro payo: Zita raŋgu ricagara’po.
28Ɀino mamŋe maɓasa aJosia, neɀose ɀaakaita, haɀina‐kunyorwa here mubuku yamakoronike amadzimambo aJuda?
29Pamazuʋa ake Farao‐neko mambo weEgipita, akandorwa namambo weAsiria kurwizi Yufratesi, mambo Josia akandorwa naye; asi wakati amuʋona, Farao‐neko akamuʋuraya paMegido.
30Ʋaranda ʋake ʋakamutakura neŋgoro afa, ʋakabva naye paMegido, ʋakamuisa Jerusarema, ʋakamuʋiga mubgiro bgake. Ɀino ʋanhu ʋenyika ʋakatora Jehoahazi mŋanakomana waJosia, ʋakamuzodza, ʋakamuita mambo panɀimbo yaɓaɓa ʋake.
Jehoahazi naJehoyakimi naJehoyakini madzimambo aJuda.31Jehoahazi wakataŋga kuɓata ʋushe aʋa namakore anamakumi maʋiri namatatu, akaɓata ʋushe paJerusarema mŋedzi mitatu. Zita ramai ʋake rakaŋga riri Hamutari, mukunda waJeremia weRibna.
32Akaita ɀakaipa pamberi paJehova seɀakaita madziɓaɓa ake paɀose.
33Asi Farao‐neko wakamusuŋga paRibra munyika yeHamati, kuti arege kuɓata ʋushe paJerusarema; akateresa nyika matarenta esirveri anezana, netarenta rimŋe rendarama.
34Farao‐neko akaita Eriyakimi mŋanakomana waJosia mambo panɀimbo yaJosia ɓaɓa ʋake, akashandura zita rake, rikazoʋa Jehoyakimi; asi wakaenda naJehoahazi, akaȿika Egipita, ndokufira’ko.
35Jehoyakimi akapa Farao sirveri nendarama, asi wakateresa nyika kuti agone kuripa mari seɀaakarairwa naFarao; akaripisa ʋanhu ʋenyika sirveri nendarama, mumŋe nomumŋe seɀaakamutarira, kuti aipe Farao‐neko.
36Jehoyakimi wakataŋga kuɓata ʋushe aʋa namakore anamakumi maʋiri namashanu; akaɓata ʋushe paJerusarema makore anegumi nerimŋe. Zita ramai ʋake rakaŋga riri Zebida mukunda waPedaya weRuma.
37Akaita ɀakaipa pamberi paJehova seɀakaita madziɓaɓa ake paɀose.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.