1Aʋa ndiʋo ʋanakomana ʋaDavidi, ʋakamuɓerekerwa paHebroni: Weɗaŋgwe Amnoni, mŋana waAhinoami muJezreeri; wecipiri Danieri waAbigairi muKarmeri;
2wecitatu Absaromi mŋanakomana waMaaka, mukunda waTarmai mambo weGeshuri; wecinna Adonia mŋanakomana waHagiti;
3weshanu Shefatia waAbitari; wetanhatu Itreami kunaEgra mukadzi wake.
4Wakaɓerekerwa ʋatanhatu paHebroni; akaɓata ʋushe’po makore manomŋe nemŋedzi mitanhatu; akaɓata ʋushe paJerusarema makore makumi matatu namatatu.
5Aʋa ndiʋo ʋaakaɓerekerwa paJerusarema: Shimea, naShobabi, naNatani, naSoromoni, iʋo ʋanna, ʋaBati‐shua mukunda waAmieri;
6naIbhari, naErishama, naErifereti;
7naNoga, naNefegi, naJafia;
8naErishama, naEriada, naErifereti, iʋo ʋapfumbamŋe.
9Ndiʋo ʋose ʋaiʋa ʋana ʋaDavidi, ʋanakomana ʋaʋaroŋgo ʋasiŋgaʋereŋgwi; ʋuye Tamari wakaŋga ari hanɀadzi yaʋo.
10Mŋanakomana waSoromoni wakaŋga ari Rehoboami, mŋanakomana wake ɀe Abia, mŋanakomana wake Asa, mŋanakomana wake Jehoshafati;
11mŋanakomana wake Jorami, mŋanakomana wake Ahazia, mŋanakomana wake Joashi;
12mŋanakomana wake Amazia, mŋanakomana wake Azaria, mŋanakomana wake Jotami;
13mŋanakomana wake Ahazi, mŋanakomana wake Hezekia, mŋanakomana wake Manase;
14mŋanakomana wake Amoni, mŋanakomana wake Josia.
15Ʋanakomana ʋaJosia: Weɗaŋgwe Johanani, wecipiri Jehoyakimi, wecitatu Zedekia, wecinna Sharumi.
16Ʋanakomana ʋaJehoyakimi: Mŋanakomana wake Jekonia, mŋanakomana wake Zedekia.
17Ʋanakomana ʋaJekonia, wakatapxa: Sheartieri mŋanakomana wake,
18naMarkirami, naPedaya, naShenazari, Jekamia, Hoshama, naNedabia.
19Ʋanakomana ʋaPedaya: Zerubaberi, naShimei; ʋanakomana ʋaZerubaberi: Meshurami, naHanania; ʋuye Sheromiti wakaŋga ari hanɀadzi yaʋo;
20naHashuba, naOheri, naBerekia, naHasadia, naJushabi‐hesedi, iʋo ʋashanu.
21Ʋanakomana ʋaHanania: Peratia, naJeshaya; ʋanakomana ʋaRefaya, ʋanakomana ʋaArnani, ʋanakomana ʋaObadia, ʋanakomana ʋaShekania.
22Ʋanakomana ʋaShekania: Shemaya; naʋanakomana ʋaShemaya: Hatushi, naIgari, naBaria, naNearia, naShafati, iʋo ʋatanhatu.
23Ʋanakomana ʋaNearia: Erioenai, naHizkia, naAzrikami, iʋo ʋatatu.
24Ʋanakomana ʋaErioenai: Hodavia, naEriashibi, naPeraya, naAkubi, naJohanani, naDeraya, naAnani, iʋo ʋanomŋe.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.