I Makoronike 3 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Ʋana ʋaDavidi.

1Aʋa ndiʋo ʋanakomana ʋaDavidi, ʋakamuɓerekerwa paHebroni: Weɗaŋgwe Amnoni, mŋana waAhinoami muJezreeri; wecipiri Danieri waAbigairi muKarmeri;

2wecitatu Absaromi mŋanakomana waMaaka, mukunda waTarmai mambo weGeshuri; wecinna Adonia mŋanakomana waHagiti;

3weshanu Shefatia waAbitari; wetanhatu Itreami kunaEgra mukadzi wake.

4Wakaɓerekerwa ʋatanhatu paHebroni; akaɓata ʋushe’po makore manomŋe nemŋedzi mitanhatu; akaɓata ʋushe paJerusarema makore makumi matatu namatatu.

5Aʋa ndiʋo ʋaakaɓerekerwa paJerusarema: Shimea, naShobabi, naNatani, naSoromoni, iʋo ʋanna, ʋaBati‐shua mukunda waAmieri;

6naIbhari, naErishama, naErifereti;

7naNoga, naNefegi, naJafia;

8naErishama, naEriada, naErifereti, iʋo ʋapfumbamŋe.

9Ndiʋo ʋose ʋaiʋa ʋana ʋaDavidi, ʋanakomana ʋaʋaroŋgo ʋasiŋgaʋereŋgwi; ʋuye Tamari wakaŋga ari hanɀadzi yaʋo.

10Mŋanakomana waSoromoni wakaŋga ari Rehoboami, mŋanakomana wake ɀe Abia, mŋanakomana wake Asa, mŋanakomana wake Jehoshafati;

11mŋanakomana wake Jorami, mŋanakomana wake Ahazia, mŋanakomana wake Joashi;

12mŋanakomana wake Amazia, mŋanakomana wake Azaria, mŋanakomana wake Jotami;

13mŋanakomana wake Ahazi, mŋanakomana wake Hezekia, mŋanakomana wake Manase;

14mŋanakomana wake Amoni, mŋanakomana wake Josia.

15Ʋanakomana ʋaJosia: Weɗaŋgwe Johanani, wecipiri Jehoyakimi, wecitatu Zedekia, wecinna Sharumi.

16Ʋanakomana ʋaJehoyakimi: Mŋanakomana wake Jekonia, mŋanakomana wake Zedekia.

17Ʋanakomana ʋaJekonia, wakatapxa: Sheartieri mŋanakomana wake,

18naMarkirami, naPedaya, naShenazari, Jekamia, Hoshama, naNedabia.

19Ʋanakomana ʋaPedaya: Zerubaberi, naShimei; ʋanakomana ʋaZerubaberi: Meshurami, naHanania; ʋuye Sheromiti wakaŋga ari hanɀadzi yaʋo;

20naHashuba, naOheri, naBerekia, naHasadia, naJushabi‐hesedi, iʋo ʋashanu.

21Ʋanakomana ʋaHanania: Peratia, naJeshaya; ʋanakomana ʋaRefaya, ʋanakomana ʋaArnani, ʋanakomana ʋaObadia, ʋanakomana ʋaShekania.

22Ʋanakomana ʋaShekania: Shemaya; naʋanakomana ʋaShemaya: Hatushi, naIgari, naBaria, naNearia, naShafati, iʋo ʋatanhatu.

23Ʋanakomana ʋaNearia: Erioenai, naHizkia, naAzrikami, iʋo ʋatatu.

24Ʋanakomana ʋaErioenai: Hodavia, naEriashibi, naPeraya, naAkubi, naJohanani, naDeraya, naAnani, iʋo ʋanomŋe.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help