Mapisarema 114 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Simba raJehova parwendo rwaʋaIsraeri.

1Pakuɓuɗa kwaIsraeri paEgipita,

Imba yaJakobo iciɓuɗa pakati paʋanhu ʋakaŋga ʋanorumŋe rurimi;

2Juda wakaitwa imba yake tȿene,

NaIsraeri ʋushe bgake.

3Guŋgwa rakaɀiʋona, rikatiza;

Joridani rwakadzokera shure.

4Makomo akapembera samakondobge,

Neɀikomo samakwaiana.

5Unonzweiko iwe guŋgwa, ɀaunotiza iwe?

Newe Joridani, ɀaunodzokera shure?

6Nemi makomo, ɀamunopembera samakondobge;

Nemi ɀikomo, samakwaiana?

7Bvunda iwe pasi, pamberi paShe,

Pamberi paMŋari waJakobo;

8Iye wakashandura ɗombo, rikaʋa dziʋa remvura,

Nomusarasara, rikaʋa tsime remvura.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help