Mapisarema 146 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Jehova Muɓatsiri mukuru ŋgaarumbidzwe.

1Hareruya!

Rumbidza Jehova, Iwe mŋeya waŋgu!

2Ndicarumbidza Jehova ndiciri mupenyu;

Ndicaimbira Mŋari waŋgu nziyo dzokurumbidza, ini ndiciri’po.

3Regai kuʋimba namacinda,

Kana nomŋanakomana womunhu, usiŋgagoni kuɓatsira.

4Mŋeya wake unoɓuɗa, iye ndokudzokera pasi pake;

Nezuʋa iro mano ake anopera.

5Unomufaro munhu uyo kana Mŋari waJakobo ari muɓatsiri wake,

Unotarira kunaJehova Mŋari wake.

6Iye, wakaita kuɗeŋga napasi,

Neguŋgwa, neɀose ɀiri mukati maɀo;

Iye, unoramba akatendeka nokusiŋgaperi;

7Unoruramisira ʋanomanikidzwa;

Unopa ʋanenzara ɀokudya;

Jehova unosunuŋgura ʋasuŋgwa;

8Jehova unosinudza meso amapofu;

Jehova unosimudza ʋakakotamiswa pasi;

Jehova unoɗa ʋakarurama;

9Jehova unoceŋgeta ʋatorwa;

Jehova unotsigira nherera necirikadzi;

Asi nzira yaʋakaipa unoipesanisa.

10Jehova ucaɓata ʋushe nokusiŋgaperi,

Mŋari wako, iwe Zioni, kuȿikira kumarudzi namarudzi.

Hareruya!

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help