1Hareruya!
Rumbidza Jehova, Iwe mŋeya waŋgu!
2Ndicarumbidza Jehova ndiciri mupenyu;
Ndicaimbira Mŋari waŋgu nziyo dzokurumbidza, ini ndiciri’po.
3Regai kuʋimba namacinda,
Kana nomŋanakomana womunhu, usiŋgagoni kuɓatsira.
4Mŋeya wake unoɓuɗa, iye ndokudzokera pasi pake;
Nezuʋa iro mano ake anopera.
5Unomufaro munhu uyo kana Mŋari waJakobo ari muɓatsiri wake,
Unotarira kunaJehova Mŋari wake.
6Iye, wakaita kuɗeŋga napasi,
Neguŋgwa, neɀose ɀiri mukati maɀo;
Iye, unoramba akatendeka nokusiŋgaperi;
7Unoruramisira ʋanomanikidzwa;
Unopa ʋanenzara ɀokudya;
Jehova unosunuŋgura ʋasuŋgwa;
8Jehova unosinudza meso amapofu;
Jehova unosimudza ʋakakotamiswa pasi;
Jehova unoɗa ʋakarurama;
9Jehova unoceŋgeta ʋatorwa;
Jehova unotsigira nherera necirikadzi;
Asi nzira yaʋakaipa unoipesanisa.
10Jehova ucaɓata ʋushe nokusiŋgaperi,
Mŋari wako, iwe Zioni, kuȿikira kumarudzi namarudzi.
Hareruya!
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.