1Ndicaimba ndicireʋa ŋgoni nokururama;
Ndimi Jehova wandicaimbira nziyo dzokurumbidza.
2Ndicaita ɀose nokuŋgwara panzira yakarurama;
Haiwa, mucaʋuya kwandiri riniko?
Ndicafamba mumba maŋgu nomŋoyo wakarurama.
3Handiŋgaʋaʋariri cinhu cakaipa;
Ndinoʋeŋga ɀinoitwa naʋanotsauka;
Haɀiŋgandinamatiri.
4Mŋoyo wakatsauka ŋgaubve kwandiri;
Handiɗi kuziʋa ɀakaipa.
5Unoitira ʋokwake makuhwa, ndicamuparadza;
Unotarira namanyawi, nounomŋoyo unoɀikudza, handiŋgaʋi nehanya naye.
6Meso aŋgu acatarira ʋakatendeka panyika, kuti ʋagare neni;
Munhu unofamba nenzira yakarurama, ndiye uŋgaʋa mushumiri waŋgu.
7Unonyeŋgera haaŋgagari mumba maŋgu;
Unoreʋa nhema haaŋgarambiri pamberi paŋgu.
8Maŋgwanani ose ndicaparadza ʋakaipa ʋose ʋenyika;
Kuti ndipedze ʋose ʋanoita ɀakaipa paguta raJehova.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.