Mapisarema 101 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Davidi unoɗa kufamba nenzira yakarurama nomŋoyo wake wose.Pisarema raDavidi.

1Ndicaimba ndicireʋa ŋgoni nokururama;

Ndimi Jehova wandicaimbira nziyo dzokurumbidza.

2Ndicaita ɀose nokuŋgwara panzira yakarurama;

Haiwa, mucaʋuya kwandiri riniko?

Ndicafamba mumba maŋgu nomŋoyo wakarurama.

3Handiŋgaʋaʋariri cinhu cakaipa;

Ndinoʋeŋga ɀinoitwa naʋanotsauka;

Haɀiŋgandinamatiri.

4Mŋoyo wakatsauka ŋgaubve kwandiri;

Handiɗi kuziʋa ɀakaipa.

5Unoitira ʋokwake makuhwa, ndicamuparadza;

Unotarira namanyawi, nounomŋoyo unoɀikudza, handiŋgaʋi nehanya naye.

6Meso aŋgu acatarira ʋakatendeka panyika, kuti ʋagare neni;

Munhu unofamba nenzira yakarurama, ndiye uŋgaʋa mushumiri waŋgu.

7Unonyeŋgera haaŋgagari mumba maŋgu;

Unoreʋa nhema haaŋgarambiri pamberi paŋgu.

8Maŋgwanani ose ndicaparadza ʋakaipa ʋose ʋenyika;

Kuti ndipedze ʋose ʋanoita ɀakaipa paguta raJehova.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help