1Ndakati: Ndicacenjerera nzira dzaŋgu,
Kuti ndirege kutadza norurimi rwaŋgu;
Ndicaceŋgeta muromo waŋgu netomu,
Kana wakaipa ari pamberi paŋgu.
2Ndakaŋga ndiri mbeʋeʋe ndisiŋgatauri,
Ndakanyarara haŋgu, ndiri kure neɀakanaka.
Kucema kwaŋgu kukamutswa.
3Mŋoyo waŋgu wakaŋga ucipisa mukati maŋgu;
Ndakati ndicifuŋga, mŋoto ukapfuta;
Ipapo ndakataura norurimi rwaŋgu, ndikati:
4Jehova, ndiziʋisei mugumo waŋgu,
Ʋuye mŋero wamazuʋa aŋgu, kuti akaɗini;
Ndiziʋisei kuti ndinoŋgopfuʋura haŋgu.
5Tarirai, makaita mazuʋa aŋgu soʋupamhi bgecanza;
Ʋuye ŋguʋa yokurarama kwaŋgu secinhu cisi’po pamberi penyu;
Ɀirokwaɀo, munhu mumŋe nomumŋe kunyaŋge akasimba kwaɀo, mŋeya ɓedzi.
6Ɀirokwaɀo, munhu mumŋe nomumŋe unofamba‐famba somumvuri;
Ɀirokwaɀo, ʋanoita ɓope pasina;
Unoʋuŋganidza fuma, asi haaziʋi kuti ndiani ucaidya.
7Ɀino Ishe, ndakarindireiko?
Tariro yaŋgu iri kwamuri.
8Ndirwirei pakuɗarika kwaŋgu kwose;
Regai kundiita munhu unosekwa namapenzi.
9Ndakaŋga ndiri mbeʋeʋe, handinakushamisa muromo waŋgu;
Nokuti ndi’mi makaɀiita.
10Bvisai shamhu yenyu kwandiri;
Ndapera nokurobga noruʋoko rwenyu.
11Kana muciraira munhu mucimuraŋga pamsoro peɀakaipa,
Munopedza kunaka kwake seciʋundudzi;
Ɀirokwaɀo munhu mumŋe nomumŋe mŋeya hake.
12Inzwai munyeŋgetero waŋgu, Jehova, rerekerai nzeʋe yenyu munzwe kucema kwaŋgu;
Musanyarara muciʋona misodzi yaŋgu;
Nokuti ndiri mŋeni kwamuri,
Mutorwa, seɀakaŋga ɀakaita madziɓaɓa aŋgu ose.
13Regai kunditarira, kuti ndimbonaya haŋgu,
Ndisati ndabva pano, ndikasazoʋa’po.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.