Mapisarema 124 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Murwiri waIsraeri ŋgaarumbidzwe.Rwiyo rworwendo; rwaDavidi.

1Ƌai Jehova asaiʋa nesu,

Israeri ŋgaʋaɗaro;

2Ƌai Jehova asaiʋa nesu,

Paŋguʋa yatakamukirwa naʋanhu;

3Ʋaŋgaɗai ʋakatimedza tiri ʋapenyu,

Paŋguʋa yatakamukirwa nehasha dzaʋo;

4Mvura zhinji iŋgaɗai yakatifukidza,

Rwizi ruŋgaɗai rwakapfuʋura napamsoro pomŋeya weɗu.

5Mvura zhinji, inoɀikudza, iŋgaɗai yakapfuʋura napamsoro pomŋeya weɗu.

6Jehova ŋgaarumbidzwe,

Iye usina‐kutiisa kuti tiparadzwe nameno aʋo.

7Mŋeya weɗu wapukunyuka seshiri parugombe rwomuteyi weshiri;

Rugombe rwaɗambuka, isu tapukunyuka.

8Kuɓatsirwa kweɗu kuri muzita raJehova,

Wakaita kuɗeŋga napasi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help