1Ƌai Jehova asaiʋa nesu,
Israeri ŋgaʋaɗaro;
2Ƌai Jehova asaiʋa nesu,
Paŋguʋa yatakamukirwa naʋanhu;
3Ʋaŋgaɗai ʋakatimedza tiri ʋapenyu,
Paŋguʋa yatakamukirwa nehasha dzaʋo;
4Mvura zhinji iŋgaɗai yakatifukidza,
Rwizi ruŋgaɗai rwakapfuʋura napamsoro pomŋeya weɗu.
5Mvura zhinji, inoɀikudza, iŋgaɗai yakapfuʋura napamsoro pomŋeya weɗu.
6Jehova ŋgaarumbidzwe,
Iye usina‐kutiisa kuti tiparadzwe nameno aʋo.
7Mŋeya weɗu wapukunyuka seshiri parugombe rwomuteyi weshiri;
Rugombe rwaɗambuka, isu tapukunyuka.
8Kuɓatsirwa kweɗu kuri muzita raJehova,
Wakaita kuɗeŋga napasi.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.