Mika 3 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Ʋatuŋgamiriri ʋaʋanhu ʋanotukwa naJehova.

1Ini ndakati: Cinzwai henyu, imi ʋakuru ʋaJakobo, naʋaɓati ʋeimba yaIsraeri: Ko hamuzaifanira kuziʋa kururamisira ʋanhu here?

2Iyemi, munoʋeŋga ɀakanaka, muciɗa ɀakaipa, munoviya ʋanhu ganda raʋo, mucibvambura nyama yaʋo pamafupa aʋo;

3imi, munodya ʋo nyama yaʋanhu ʋaŋgu, muciȿuʋura ganda raʋo, munovuna mafupa aʋo, muciaguranya, seɀinoiswa muhari, senyama iri mugate.

4Ipapo ʋacaɗana kunaJehova, asi haaŋgaʋapinduri; ɀirokwaɀo ucaʋaʋanzira ciso cake neŋguʋa iyo, nokuɗa kweɀakaipa ɀaʋakaita pamaɓasa aʋo.

5Ɀanzi naJehova pamsoro paʋaprofita, ʋakatsausa ʋanhu ʋaŋgu, ʋanoruma nameno aʋo, ʋaciɗana ʋaciti: Rugare! asi usiŋgaisi cinhu mumiromo yaʋo, ʋanomumukira hondo.

6Naiɀoɀo mucaȿikirwa noʋusiku, kuti murege kuʋa necamunoʋona; mucaʋa nerima, kuti murege kuʋuka; zuʋa ricaʋirira ʋaprofita, ciedza camasikati cicaʋaȿiɓira.

7Ʋaʋoni ʋacanyadziswa, naʋaʋuki ʋacakaŋganiswa; ɀirokwaɀo, ʋose ʋacafumbira ndebvu dzaʋo, nokuti hakunemhinduro inobva kunaMŋari.

8Asi kana ndiri’ni, ndizere nesimba pamŋe cete noMŋeya waJehova, nokutoŋga nokutsuŋga, kuti ndiparidzire Jakobo kuɗarika kwaʋo, ʋuye Israeri ɀiʋi ɀaʋo.

9Cinzwai henyu cinhu ici, imi ʋakuru ʋeimba yaJakobo, naʋaɓati ʋeimba yaIsraeri, iyemi, munosema kururamisa, nokuminamisa ɀose ɀakarurama.

10Munoʋaka Zioni neropa, ʋuye Jerusarema neɀakaipa.

11Ʋakuru ʋaro ʋanotamba mhaka kuti ʋapiwe ɀipo, ʋaprista ʋaro ʋanodzidzisa kuti ʋapiwe muɓairo, ʋaprofita ʋaro ʋanoʋuka kuti ʋapiwe mari; kunyaŋge ɀakaɗaro ʋanosendamira kunaJehova, ʋaciti: Ko Jehova haazi pakati peɗu here? Hatiŋgawirwi neɀakaipa.

12Naiɀoɀo Zioni ricarimŋa somunda nemhaka yenyu, Jerusarema ricaitwa mirwi yamabge, ʋuye gomo reimba yaJehova senɀimbo dzakakwirira dzokuɗondo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help