Mapisarema 53 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Ʋanhu ʋose ʋakashata.Kumutuŋgamiriri wokuimba; pamuimbirwe weMaharati. Rwiyo rweMashiri rwaDavidi.

1Ƃenzi rakati mumŋoyo maro: Mŋari hakuna.

Ʋakaʋora, ʋakaita ɀakaipa ɀinonyaŋgadza;

Hakuna‐unoita ɀakanaka.

2Mŋari, ari kuɗeŋga, wakatarira pasi kuʋana ʋaʋanhu,

Kuti aʋone kana wakacenjera ari’po,

Unotȿaka Mŋari.

3Mumŋe nomumŋe waʋo wakadzokera shure; ʋakaȿiɓiswa pamŋe cete;

Hakuna‐unoita ɀakanaka, kunyaŋge nomumŋe.

4Ko ʋaiti ʋeɀakaipa haʋaneziʋo here?

Iʋo ʋanodya ʋanhu ʋaŋgu seciŋgwa,

Ʋasiŋgaɗani kunaMŋari.

5Ʋaitya kwaɀo ipapo, pakaŋga pasina‐cinotyisa;

Nokuti Mŋari wakaparadza mafupa aiye wakaŋga akakukomba;

Iwe wakaʋanyadzisa, nokuti Mŋari wakaʋarasha.

6Ƌayi kuponeswa kwaIsraeri kwaibva paZioni!

Kana Mŋari acidzosa ʋanhu ʋake pakutapxa,

Ipapo Jakobo ucafara kwaɀo, naIsraeri ucafara.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help