1Ƃenzi rakati mumŋoyo maro: Mŋari hakuna.
Ʋakaʋora, ʋakaita ɀakaipa ɀinonyaŋgadza;
Hakuna‐unoita ɀakanaka.
2Mŋari, ari kuɗeŋga, wakatarira pasi kuʋana ʋaʋanhu,
Kuti aʋone kana wakacenjera ari’po,
Unotȿaka Mŋari.
3Mumŋe nomumŋe waʋo wakadzokera shure; ʋakaȿiɓiswa pamŋe cete;
Hakuna‐unoita ɀakanaka, kunyaŋge nomumŋe.
4Ko ʋaiti ʋeɀakaipa haʋaneziʋo here?
Iʋo ʋanodya ʋanhu ʋaŋgu seciŋgwa,
Ʋasiŋgaɗani kunaMŋari.
5Ʋaitya kwaɀo ipapo, pakaŋga pasina‐cinotyisa;
Nokuti Mŋari wakaparadza mafupa aiye wakaŋga akakukomba;
Iwe wakaʋanyadzisa, nokuti Mŋari wakaʋarasha.
6Ƌayi kuponeswa kwaIsraeri kwaibva paZioni!
Kana Mŋari acidzosa ʋanhu ʋake pakutapxa,
Ipapo Jakobo ucafara kwaɀo, naIsraeri ucafara.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.