1Uyo ugere panɀimbo yokuʋanda yoWokumsoro‐soro
Ucarambira pamumvuri woWamasimba‐ose.
2Ndicati pamsoro paJehova: Ndiye ʋutiziro bgaŋgu nenhare yaŋgu;
Iye Mŋari waŋgu, wandinoʋimba naye.
3Nokuti iye ucakurwira parugombe rwomuteyi weshiri,
Napahosha inoʋuraya ɀikuru.
4Iye ucakufukidza nemhineŋga yake,
Ucatizira pasi pamapapiro ake;
Ɀokwaɗi yake inhoʋo huru neɗuku.
5Hauŋgatyi cinhu cinovundusa ʋusiku,
Kana museʋe unofurwa masikati;
6Kana hosha inofamba murima,
Kana kuparadza kunoʋuraya masikati.
7Kurutiʋi rwako kucawa ʋanegumi ramazana,
Nezana ramazana paruʋoko rwako rworudyi;
Asi haɀiŋgasweɗeri kwauri.
8Ucaŋgoɀitarira hako nameso ako,
Ukaʋona muɓayiro waʋakaipa.
9Nokuti imi Jehova, muri ʋutiziro bgaŋgu!
Iwe wakaita Wokumsoro‐soro ʋugaro bgako.
10Hapana cakaipa ciŋgakuwira,
Ʋuye hapanehosha icasweɗera patente rako.
11Nokuti iye ucaraira ʋatumŋa ʋake pamsoro pako,
Kuti ʋakuceŋgete panzira dzako dzose.
12Ʋacakusimudza pamaʋoko aʋo,
Kuti urege kugumbusa rutsoka rwako pabge.
13Ucatsika pamsoro peshumba neciʋa;
Mŋana weshumba nenyoka ucaɀitsikirira pasi.
14Ɀaakandiɗa, ndicamurwira;
Ndicamuisa pakakwirira, nokuti wakaziʋa zita raŋgu.
15Iye ucaɗana kwandiri, ndicamupindura;
Ini ndicaʋa naye pakutambudzika;
Ndicamurwira, nokumukudza.
16Ndicamugutsa noʋupenyu ʋurefu,
Nokumuratidza ruponeso rwaŋgu.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.