II ƲaTesaronika 1 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Kwaziso.

1Pauro, naSirvano, naTimotio, kukereke yaʋaTesaronika munaMŋari, Ƃaɓa ʋeɗu, naShe Jesu Kristu:

2Nyasha ŋgadziʋe nemi, norugare runobva kunaMŋari, Ƃaɓa, naShe Jesu Kristu

Pauro unoʋoŋga nokuti ʋanomira nesimba.

3Tinofanira kuʋoŋga Mŋari ŋguʋa dzose pamsoro penyu, hama dzaŋgu, seɀaɀakafanira, nokuti kutenda kwenyu kunokura kwaɀo, noruɗo rwenyu mose, mumŋe nomumŋe kunaʋamŋe, runowanda;

4nokuɗaro isu timene tinoɀirumbidza mamuri pakereke dzaMŋari pamsoro pokutsuŋgirira kwenyu, nokutenda kwenyu mukutambudzika kwenyu kwose nenhamo dzose dzamunadzo.

5Ndiɀo ɀinoratidza kutoŋga kwakarurama kwaMŋari; kuti mugonzi makafanirwa noʋushe bgaMŋari, bgamunotambudzikira ʋo;

6ɀaɀakarurama kunaMŋari, kuti atsiʋe nokutambudzika iʋaʋo ʋanokutambudzai;

7nemi munotambudzwa, kuti mupiwe kuzorora pamŋe cete nesu pakuʋonekwa kwaShe Jesu, kana acibva kuɗeŋga naʋatumŋa ʋesimba rake,

8mumŋoto unopfuta, acitsiʋa aʋo ʋasiŋgaziʋi Mŋari, naʋasiŋgatereri Evaŋgeri yaShe weɗu, Jesu;

9iʋo ʋacarobga nokuparadzwa kusiŋgaperi, kuti ʋabve pamberi paShe, napakubginya kwesimba rake,

10kana aciʋuya kuzorumbidzwa muʋatȿene ʋake, nokukanukirwa munaʋose ʋanotenda nezuʋa irero; (nokuti kupupura kweɗu kwamuri kwakatendwa).

11Naiɀoɀo tinokunyeŋgetererai ʋo ŋguʋa dzose, kuti Mŋari weɗu ati, makafanirwa nokuɗanwa kwenyu, akwanise nesimba rake kuɗa kwenyu kwose kuita ɀakanaka namaɓasa ose okutenda;

12kuti zita raShe weɗu Jesu rirumbidzwe mamuri, nemi maari, seɀadzakaita nyasha dzaMŋari weɗu nedzaShe Jesu Kristu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help