Mapisarema 33 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Rwiyo rwokurumbidza Jehova.

1Farisai munaJehova, imi ʋakarurama;

Kurumbidza kwakafanira ʋakarurama.

2Ʋoŋgai Jehova nembira;

Muimbirei nziyo dzokurumbidza nomuteŋgeranwa unehuŋgiso dzinegumi.

3Muimbirei rwiyo rutȿa;

Ridzai ɀakanaka nokuridza kukuru.

4Nokuti shoko raJehova rakarurama,

Unoita ɀose nokutendeka.

5Iye unoɗa kururama nokururamisa;

Nyika izere noʋunyoro bgaJehova.

6Kuɗeŋga‐ɗeŋga kwakaitwa neshoko raJehova,

Ʋuye hondo dzose dzo’ko nokufema kwomuromo wake.

7Unoʋuŋganidza mvura zhinji yeguŋgwa pamŋe cete somurwi;

Unoceŋgeta mvura zhinji dzakadzika mumatura.

8Nyika yose ŋgaitye Jehova;

Ʋose ʋagere panyika ŋgaʋaɗeɗere pamberi pake.

9Nokuti iye wakataura, ɀikaitika;

Wakaraira, ɀikamira ɀikasimba.

10Jehova unoparadza zano raʋahedeni;

Mifuŋgo yendudzi dzaʋanhu unoishaisa simba.

11Zano raJehova rakasimba nokusiŋgaperi,

Nendaŋgariro dzomŋoyo wake kuȿikira kundudzi dzose.

12Rwakakomborerwa rudzi rwakaita Jehova Mŋari warwo;

Rudzi rwaakatsaura kuʋa nhaka yake.

13Jehova unotarira ari kuɗeŋga;

Unoʋona ʋanakomana ʋose ʋaʋanhu;

14Unotarira ari ipapo paagere

Aciʋona ʋanhu ʋose ʋagere panyika.

15Iye unoʋumba mŋoyo yaʋo ʋose,

Unocerekedza maɓasa aʋo ose.

16Hapanamambo unoponeswa nokuwanda kwehondo;

Mhare hairwirwi nesimba guru.

17Biza hariɓatsiri pakukunda;

Harigoni kurwira nesimba raro guru.

18Tarirai, ziso raJehova rinotarira ʋanomutya,

Iʋo, ʋanorindira tsitsi dzake;

19Kurwira mŋeya waʋo parufu,

Nokuʋararamisa paŋguʋa yenzara.

20Mŋeya yeɗu yakarindira Jehova;

Ndiye muɓatsiri weɗu nenhoʋo yeɗu.

21Nokuti mŋoyo yeɗu icafara kwaɀo maari,

Ɀatakaʋimba nezita rake dɀene.

22Tsitsi dzenyu ŋgadziʋe nesu, Jehova,

Seɀatakakurindirai.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help