Ʋatoŋgi 10 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Tora naJairi.

1Shure kwaAbimereki, Tora mŋanakomana waPua, mŋanakomana waDodo, murume waIsakari, wakamuka akaponesa Israeri; iye waigara paShamiri panyika yamakomo yaEfraimi.

2Iye akatoŋga ʋaIsraeri makore anamakumi maʋiri namatatu, akafa; akaʋigwa paShamiri.

3Shure kwake Jairi muGireadi wakamuka, iye akatoŋga ʋaIsraeri makore anamakumi maʋiri namaʋiri.

4Wakaŋga anaʋanakomana ʋanamakumi matatu, ʋaitaȿa ʋana ʋemboŋgoro ʋanamakumi matatu, ʋuye ʋakaŋga ʋanamaguta anamakumi matatu, anonzi Havori‐jairi kuȿikira nhasi, ari munyika yeGireadi.

5Jairi akafa, akaʋigwa paKamoni.

ƲaIsraeri ʋanotambudzwa naʋaFiristia naʋaAmoni.

6Ʋana ʋaIsraeri ʋakaita ɀe ɀakaipa pamberi paJehova, ʋakashumira ʋaBaari naʋaAshtaroti naʋamŋari ʋaʋaSiria, naʋamŋari ʋeSidoni, naʋaMŋari ʋaMoabi, naʋamŋari ʋaʋana ʋaAmoni, naʋamŋari ʋaʋaFiristia; ʋakarasha Jehova, ʋakasamushumira.

7Ipapo kutsamŋa kwaJehova kwakamukira ʋaIsraeri, akaʋateŋgesa mumaʋoko aʋaFiristia, nomumaʋoko aʋana ʋaAmoni.

8Iʋo ʋakanetsa nokumanikidza ʋana ʋaIsraeri gore iro; ʋakamanikidza ʋana ʋaIsraeri ʋose ʋakaŋga ʋagere mhiri kwaJoridani munyika yaʋaAmori, yaiʋa paGireadi, makore anegumi namasere.

9Ɀino ʋana ʋaAmoni ʋakayambuka Joridani, ʋakarwa ʋo naʋaJuda, naʋaBenjamini, ʋuye neimba yaʋaEfraimi; naiɀoɀo ʋaIsraeri ʋakamanikidzwa kwaɀo.

10Ɀino ʋaIsraeri ʋakacema kunaJehova, ʋakati: Takakutadzirai imi, nokuti takarasha Mŋari weɗu, tikashumira ʋaBaari.

11Jehova akati kuʋana ʋaIsraeri: Handina‐kukuponesai here paʋaEgipita, naʋaAmori, naʋana ʋaAmoni, naʋaFiristia?

12ƲaSidoni, naʋaAmareki, naʋaMaoni ʋakakutambudzai ʋo, imi mukacema kwandiri, ndikakuponesai pamaʋoko aʋo.

13Kunyaŋge ɀakaɗaro makandirasha, mukandoshumira ʋamŋe ʋamŋari; naiɀoɀo handina‐kukuponesai ɀe.

14Endai mundocema henyu kuʋamŋari ʋamakaɀisanaŋgurira; iʋo ŋgaʋakuponesei paŋguʋa yokutambudzika kwenyu.

15Ʋana ʋaIsraeri ʋakati kunaJehova: Takatadza; tiitirei henyu seɀamunofuŋga, asi tinokumbira kuti mutirwirei henyu nhasi.

16Ipapo ʋakarasha ʋamŋari ʋatorwa ʋakaŋga ʋari pakati paʋo, ʋakashumira Jehova; mŋoyo wake ukacema pamsoro pokutambudzika kwaʋaIsraeri.

17Ɀino ʋana ʋaAmoni ʋakaŋga ʋaʋuŋgana, ʋakadzika matente aʋo paGireadi. Ʋana ʋaIsraeri ʋakaʋuŋgana ʋo, ʋakadzika matente aʋo paMizpa.

18Ɀino ʋanhu, iwo macinda aGireadi, ʋakataurirana, ʋakati: Ndianiko munhu ucataŋga kurwa naʋana ʋaAmoni? Iye ucaʋa mukuru waʋose ʋagere Gireadi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help