Jeremia 45 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Shoko raJeremia kunaBaruki.

1Shoko, rakataurwa nomuprofita Jeremia kunaBaruki mŋanakomana waNeria, paŋguʋa yaakanyora mashoko awa mubuku, ɀicibva mumuromo waJeremia, negore recinna raJehoiakimi mŋanakomana waJosia, mambo waJuda, riciti:

2Ɀanzi naJehova, Mŋari waIsraeri, kwauri, iwe Baruki:

3Iwe wakati: Ndinenhamo ɀino, nokuti Jehova wakawedzera kucema pakurwadziwa kwaŋgu; ndaneta nokugomera kwaŋgu, ndinoshaiwa zororo.

4Ɀino citi kwaari: Ɀanzi naJehova: Tarira, candakaʋaka ndicacikoromora ɀe, candakasima ndicacidzura ɀe; ndiɀo ɀandicaitira nyika yose.

5Iwe unoɀitȿakira ɀinhu ɀikuru here? Usaɀitȿaka; nokuti tarira, ndicaʋuyisa ɀakaipa pamsoro penyama yose — ndiɀo ɀinotaura Jehova; asi ndicakupa ʋupenyu bgako ciʋe cinhu cakapambga panɀimbo dzose kwaunoenda.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help