1Shoko, rakataurwa nomuprofita Jeremia kunaBaruki mŋanakomana waNeria, paŋguʋa yaakanyora mashoko awa mubuku, ɀicibva mumuromo waJeremia, negore recinna raJehoiakimi mŋanakomana waJosia, mambo waJuda, riciti:
2Ɀanzi naJehova, Mŋari waIsraeri, kwauri, iwe Baruki:
3Iwe wakati: Ndinenhamo ɀino, nokuti Jehova wakawedzera kucema pakurwadziwa kwaŋgu; ndaneta nokugomera kwaŋgu, ndinoshaiwa zororo.
4Ɀino citi kwaari: Ɀanzi naJehova: Tarira, candakaʋaka ndicacikoromora ɀe, candakasima ndicacidzura ɀe; ndiɀo ɀandicaitira nyika yose.
5Iwe unoɀitȿakira ɀinhu ɀikuru here? Usaɀitȿaka; nokuti tarira, ndicaʋuyisa ɀakaipa pamsoro penyama yose — ndiɀo ɀinotaura Jehova; asi ndicakupa ʋupenyu bgako ciʋe cinhu cakapambga panɀimbo dzose kwaunoenda.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.