Mapisarema 31 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Davidi unokumbira kuɓatsirwa, aciʋoŋga ʋunyoro bgaJehova.Kumutuŋgamiriri wokuimba. Pisarema raDavidi.

1Jehova, ndinoʋimba nemi; ŋgandirege kutoŋgo‐nyadziswa;

Ndirwirei pakururama kwenyu.

2Rerekerai nzeʋe yenyu kwandiri; kurumidzai kundirwira;

Iʋai ɗombo raŋgu rakasimba, neimba yenhare yokundiponesa.

3Nokuti ndimi ɗombo raŋgu nenhare yaŋgu;

Naiɀoɀo ndituŋgamirirei mundifambise nokuɗa kwezita renyu.

4Ndibvutei pamumbure waʋakandidzikira pakaʋanda;

Nokuti ndimi nhare yaŋgu.

5Ndinoisa mŋeya waŋgu muruʋoko rwenyu;

Makandidzikinura Jehova, imi Mŋari waɀokwaɗi.

6Ndinoʋeŋga ʋanokudza ɀenhema ɀisinamaturo;

Asi ndicaʋimba naJehova.

7Ndicafara nokufarisisa netsitsi dzenyu;

Nokuti makaʋona kutambudzika kwaŋgu;

Makaziʋa kumanikidzwa kwomŋeya waŋgu;

8Hamuna‐kundiisa muruʋoko rwomuʋeŋgi;

Makamisa tsoka dzaŋgu panɀimbo yakafarikana.

9Ndinzwirei tsitsi Jehova, nokuti ndiri panjodzi;

Ziso raŋgu rapera nokucema, ɀirokwaɀo, nomŋeya waŋgu nomuʋiri waŋgu ʋo.

10Nokuti ʋupenyu bgaŋgu bgapera nokucema, namakore aŋgu nokugomera;

Simba raŋgu rapera nokuɗa kwokutadza kwaŋgu, ʋuye mafupa aŋgu asakara.

11Ndaʋa cinhu cinoɀidzwa nemhaka yaʋadziʋisi ʋaŋgu ʋose,

Ɀirokwaɀo, ɀikuru kunaʋandinogara naʋo, necinotyisa kuʋazikani ʋaŋgu;

Ʋakandiʋona kunze ʋakanditiza.

12Ndakaŋganikwa sowakafa usati acafuŋgwa;

Ndaʋa somudziyo wakaputsika.

13Ndakanzwa ʋazhinji ʋacindipomera,

Ɀinotyisa kumatiʋi ose;

Pakuraŋgana kwaʋo pamsoro paŋgu

Ʋakafuŋga mano kuti ʋanditorere ʋupenyu bgaŋgu.

14Asi ndakaʋimba nemi Jehova;

Ndakati: Ndimi Mŋari waŋgu.

15Ŋguʋa dzaŋgu dziri muruʋoko rwenyu;

Ndirwirei paruʋoko rwaʋaʋeŋgi ʋaŋgu, nokunaʋanonditambudza.

16Venekesai ciso cenyu pamsoro pomuranda wenyu;

Ndiponesei noʋunyoro bgenyu.

17Ŋgandirege kunyadziswa, Jehova; nokuti ndakaɗana kwamuri;

Ʋakaipa ŋgaʋanyadziswe, ŋgaʋanyarare paSheori.

18Miromo inoreʋa nhema ŋgainyarare;

Iyo inotaura namanyawi kunaʋakarurama,

Iciɀikudza nokuʋaɀidza.

19Haiwa, ɀakanaka ɀenyu ɀamakaceŋgetera ʋanokutyai ɀakakura sei,

Ɀamakaitira ʋanoʋimba nemi, pamberi paʋanakomana ʋaʋanhu!

20Mucaʋaʋanza pakaʋanda pamberi penyu, ʋabve pamano aʋanhu;

Mucaʋaceŋgeta pakaʋanda patente ʋabve panharo dzendimi.

21Jehova ŋgaaʋoŋgwe:

Nokuti wakandiratidza ʋunyoro bgake ʋunoshamisa paguta rakasimba.

22Kana ndiri’ni, ndakati pakukaruka kwaŋgu: Ndabviswa pamberi penyu;

Kunyaŋge ɀakaɗaro, makanzwa inzwi rokukumbira kwaŋgu pakucema kwaŋgu kwamuri.

23Iɗai Jehova, imi ʋatȿene ʋake mose;

Jehova unoceŋgeta ʋakatendeka,

Unotsiʋa ɀikuru munhu unoɀikudza.

24Iʋai nesimba, ʋuye mŋoyo yenyu itsuŋge,

Imi mose munorindira Jehova.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help