Mapisarema 12 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Davidi unotȿaka kuɓatsirwa naMŋari, nokuti ʋanhu ʋanyeŋgeri.Kumutuŋgamiriri wokuimba; namanzwi aʋarume. Pisarema raDavidi.

1Ƃatsirai, Jehova; nokuti ʋanoɗa Mŋari ʋopera;

Nokuti ʋakatendeka haʋaci’po pakati paʋana ʋaʋanhu.

2Ʋanotaura mumŋe nomumŋe ɀisinamaturo nowokwake;

Ʋanotaura nomuromo unoɓata kumeso, ʋuye nemŋoyo miʋiri.

3Jehova ucagura miromo yose inoɓata kumeso,

Norurimi runotaura ɀinhu ɀikuru;

4Iʋo ʋakati: Ticakunda norurimi rweɗu;

Miromo yeɗu ndeyeɗu pamakanda; ndianiko uŋgaʋa ishe weɗu?

5Nokuɗa kwokumanikidzwa kwaʋarombo, nokugomera kwaʋanoshaiwa,

Ndicamuka ɀino nokuɗa kwaiɀoɀo: ndiɀo ɀinotaura Jehova;

Ndicamuisa pakasimba ipo paanoshuʋa.

6Mashoko aJehova mashoko akacena;

Sesirveri yakaidzwa muɓisiro panyika,

Yakanatswa kanomŋe.

7Mucaʋaceŋgeta, Jehova,

Mucaʋaceŋgeta parudzi urwu nokusiŋgaperi.

8Ʋakaipa ʋanofamba pamatiʋi ose,

Kana ɀakashata ɀicikudzwa pakati paʋanakomana ʋaʋanhu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help