Mapisarema 84 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Mufaro uri paimba yaMŋari.Kumutuŋgamiriri wokuimba; nomuimbirwe weGititi. Pisarema raʋanakomana ʋaKora.

1Ʋugaro bgenyu ʋunoɗikanwa sei,

Imi Jehova wehondo!

2Mŋeya waŋgu unoshuʋa, ɀirokwaɀo unopaŋga ʋazhe dzaJehova;

Mŋoyo waŋgu nenyama yaŋgu ɀinoɗana kunaMŋari mupenyu.

3Ɀirokwaɀo, shiri yakaɀiwanira imba,

Nyeŋganyeŋga yakaɀiwanira ɗendere, painoisa ʋana ʋayo,

Ipo paartari dzenyu, Jehova wehondo,

Mambo waŋgu, naMŋari waŋgu.

4Ʋakaropafadzwa ʋanogara mumba menyu;

Ʋacagara ʋacikurumbidzai.

5Wakaropafadzwa munhu unesimba rake mamuri;

Unemigwagwa inoenda Zioni mumŋoyo make.

6Kana ʋacipfuʋura nomumupata wakawoma, ʋanouita nɀimbo inamatsime;

Ɀirokwaɀo, mvura yomunhuruka inoufukidza nemikomborero.

7Ʋanowedzera simba pasimba raʋo,

Mumŋe nomumŋe waʋo unoȿika pamberi paMŋari paZioni.

8Haiwa, Jehova wehondo, inzwa munyeŋgetero waŋgu;

Tererai nenzeʋe, Mŋari waJakobo.

9Tarirai, Mŋari, nhoʋo yeɗu,

Muʋone ciso comuzodzwa wenyu.

10Nokuti zuʋa rimŋe paʋazhe dzenyu rinokunda mamŋe anecuru pakunaka.

Ndinoti ɀirinani kuti ndiʋe murindi womukoʋa mumba maMŋari waŋgu,

Pakuti ndigare pamatente aʋaneɀakaipa.

11Nokuti Jehova Mŋari izuʋa nenhoʋo;

Jehova ucapa nyasha nokukudzwa;

Hapanecinhu cakanaka caaŋganyima ʋanofamba nokururama.

12Jehova wehondo,

Wakaropafadzwa munhu unoʋimba nemi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help