I Samueri 29 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Davidi unodziʋiswa kuɓatsira ʋaFiristia pakurwa.

1Ɀino ʋaFiristia ʋakaʋuŋganidza hondo dzaʋo dzose paAfeki, asi ʋaIsraeri ʋakaʋaka misasa yaʋo patsime raiʋa paJezreeri.

2Madzishe aʋaFiristia akapfuʋura akaita mazana‐mazana neɀuru‐ɀuru, naDavidi naʋanhu ʋake ʋakapfuʋura ʋo ʋaciteʋera Akishi.

3Ipapo macinda aʋaFiristia akati: Ko ʋaHeberu aʋa ʋanoiteiko pano? Akishi akati kumacinda aʋaFiristia: Ko uyu haazi Davidi, muranda waSauro, mambo waIsraeri, ugere neni mazuʋa ano kana makore ano here? Handina‐kuwana mhoȿa kwaari, ciŋguʋa caakatizira kwandiri kuȿikira nhasi.

4Asi macinda aʋaFiristia akamutsamŋira, macinda aʋaFiristia akati kwaari: Dzosa munhu uyu, adzokere uko kwake kwawakamuisa iwe, asi ŋgaarege kuɓuruka kundorwa nesu, kuti arege kutipandukira akaʋa muʋeŋgi weɗu pakurwa. Nokuti munhu uyu uŋgandoyananisa ishe wake neiko? Hatiti nemisoro yaʋanhu aʋa here?

5Ko uyu haazi Davidi uya waʋakaimbira ʋacibvumirana pakutamba kwaʋo, ʋaciti:

Sauro wakaʋuraya ɀuru ɀamazana ake,

Asi Davidi makumi eɀuru ɀamazana ake?

6Ipapo Akishi akaɗana Davidi, akati kwaari: NaJehova mupenyu, iwe wakaŋga uri munhu wakarurama, nokuɓuɗa kwako nokupinda kwako pahondo kwakaŋga kucindifadza ini, nokuti handina‐kuwana ɀakaipa kwauri kubva pazuʋa rawakaȿika kwandiri kuȿikira zuʋa ranhasi; asi madzishe haakufariri.

7Naiɀoɀo ɀino cidzoka hako, uende norugare, kuti urege kuzoita cisiŋgafadzi madzishe aʋaFiristia.

8Davidi akati kunaAkishi: Ndaɗiniko? Makawaneiko kumuranda wenyu ciŋguʋa candakagara nemi kuȿikira nhasi, kuti ndirege kundorwa naʋaʋeŋgi ʋashe waŋgu mambo?

9Akishi akapindura, akati kunaDavidi: Ndinoziʋa kuti unondifadza ini, somutumŋa waMŋari; asi macinda aʋaFiristia akati: Ŋgaarege kukwira nesu kundorwa.

10Naiɀoɀo ɀino cimuka hako acirimaŋgwanani pamŋe cete naʋaranda ʋashe wako ʋakaʋuya newe; ɀino kana mamuka maŋgwanani, mogona kuʋona, muende henyu.

11Naiɀoɀo Davidi akamuka maŋgwanani, iye naʋanhu ʋake, ʋakaenda maŋgwanani, ʋakadzokera kunyika yaʋaFiristia. ƲaFiristia ʋakakwira ʋakaenda Jezreeri.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help