ƲaHeberu 1 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Kristu mukuru kuʋatumŋa.

1Mŋari wakataura kare kunamadziɓaɓa muʋaprofita nemigoʋe mizhinji, ʋuye nemitoʋo mizhinji,

2ɀino pakupedzisira kwamazuʋa ano wakataura kwatiri muMŋanakomana wake, waakaita mudyi wenhaka yeɀinhu ɀose, waakaita ʋo naye nyika;

3iye cadzera cokubginya kwake, nomufananidzo wake caiye, unoceŋgeta ɀinhu ɀose nenzwi resimba rake, wakati apedzisa kunatswa kweɀiʋi, akagara kurudyi rwoƲumambo kuɗeŋga,

4akapfuʋura ʋatumŋa nokunaka saiɀoɀo, sezita raakagara nhaka yaro, rakanyanya kunaka kupfuʋura raʋo.

5Nokuti wakambotaura kunani waʋatumŋa, aciti:

Ndiwe Mŋanakomana waŋgu,

Nhasi ndakakuɓereka?

Ʋuye ɀe:

Ndicaʋa Ƃaɓa ʋake,

Iye ucaʋa Mŋanakomana waŋgu?

6Ʋuye, kana acizoʋuyisa ɀe ɗaŋgwe rake panyika, unoti: Ʋatumŋa ʋose ʋaMŋari ŋgaʋamunamate.

7Napamsoro paʋatumŋa unoti:

Iye unoita ʋatumŋa ʋake kuti ʋaʋe mhepo,

Naʋaranda ʋake, kuti ʋaʋe muraɀo womŋoto;

8Asi pamsoro poMŋanakomana, unoti:

Cigaro cenyu coʋushe, imi Mŋari, ciri’po nokusiŋgaperi‐peri,

Netȿimbo yokururama ndiyo tȿimbo yoʋushe bgako.

9Makaɗa kururama, mukaʋeŋga kusarurama;

Saka Mŋari, iye Mŋari wenyu, wakakuzodzai

Namafuta okufara kupfuʋura shamŋari dzenyu.

10Ʋuye,

Imi, Ishe, makateya nheyo dzenyika pakutaŋga,

Neɗeŋga ndiro ɓasa ramaʋoko enyu;

11Iro ricapera, asi imi mucaramba muri’po;

Ricasakara rose seŋguʋo;

12Mucaripeta secinofukwa,

Seŋguʋo, rikashandurwa;

Asi imi hamushanduki, namakore enyu haaŋgagumi.

13Asi wakambotaura kunani waʋatumŋa, aciti:

Gara kurudyi rwaŋgu,

Kuȿikira ndiciita ʋaʋeŋgi ʋako ʋaʋe citsiko cetsoka dzako?

14Ko haʋazi ʋose mŋeya inoshumira, yakatumŋa kuzoɓata nokuɗa kwaʋanodya nhaka yokuponeswa here?

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help