1Panzizi dzeBabironi,
Ndipo patakagara pasi, ɀirokwaɀo tikacema,
Pakuraŋgarira kweɗu Zioni.
2Pamikonacando mukati madzo
Takaturika mbira dzeɗu.
3Nokuti ipapo aʋo ʋakatitapa ʋakakumbira kwatiri mashoko orwiyo,
Ʋakatiparadza ʋakakumbira mufaro, ʋaciti:
Tiimbirei ʋo rwiyo rweZioni.
4Tiŋgaimba seiko rwiyo rwaJehova
Munyika yaʋatorwa?
5Kana ndikakukaŋganwa, iwe Jerusarema,
Ruʋoko rwaŋgu rworudyi ŋgarukaŋganwe ʋumhizha bgarwo.
6Rurimi rwaŋgu ŋgarunamatire kumatadza aŋgu,
Kana ndikarega kukuraŋgarira;
Kana ndisiŋgati Jerusarema
Ndiwo mufaro waŋgu mukuru unopfuʋura ɀose.
7Raŋgarirai Jehova, muroʋe ʋana ʋaEdomi
Pamsoro pezuʋa reJerusarema;
Iʋo, ʋakati: Paradzai, paradzai,
Kuȿikira panheyo dzaro.
8Iwe mukunda weBabironi, iwe wobva woparadzwa;
Munhu uyo ucaʋa nomufaro, ucakutsiʋira
Seɀawakatiitira iwe.
9Munhu uyo ucaʋa nomufaro, ucatora pxere dzako
Nokudziroʋera paɗombo.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.