II Makoronike 25 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Amazia mambo waJuda.

1Amazia wakaŋga anamakore makumi maʋiri namashanu pakutaŋga kwake kuɓata ʋushe; akaɓata ʋushe paJerusarema makore makumi maʋiri namapfumbamŋe; zita ramai ʋake rakaŋga riri Jehoadani weJerusarema.

2Iye akaita ɀakarurama pamberi paJehova, asi haana‐kuita nomŋoyo wose.

3Ɀino wakati asimba paʋushe bgake, akaʋuraya ʋaranda ʋake ʋakaʋuraya mambo ɓaɓa ʋake.

4Asi haana‐kuʋuraya ʋana ʋaʋo, asi wakaita seɀakanyorwa pamurairo pabuku yaMosesi, seɀakarairwa naJehova, aciti: Madziɓaɓa haafaniri kufira ʋana ʋaʋo, naʋana haʋafaniri kufira madziɓaɓa aʋo; asi munhu mumŋe nomumŋe unofanira kufira ɀiʋi ɀake.

5Amazia akaʋuŋganidza ʋo ʋaJuda, akagadza pamsoro paʋo ʋatariri ʋeɀuru naʋatariri ʋamazana nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo, iʋo ʋaJuda ʋose naʋaBenjamini; akaʋaʋereŋga, ʋose ʋamakore anamakumi maʋiri naʋakapfuʋura, akaʋawana ʋari ʋarume ʋaneɀuru ɀinamazana matatu ʋakatsaurwa, ʋaigona kurwa, ʋaigona kurwa nepfumo nenhoʋo.

6Akaripira ʋo ʋarume ʋanesimba noʋumhare ʋaneɀuru ɀinezana ʋaʋaIsraeri, akaʋapa matarenta anezana esirveri.

7Asi mumŋe munhu waMŋari wakaʋuya kwaari, akati: Haiwa, mambo, hondo yaʋaIsraeri ŋgairege kuenda nemi, nokuti Jehova haa’po panaIsraeri, paʋana ʋaEfraimi ʋose.

8Asi endai imi moga, shiŋgai murwe nesimba; Mŋari uŋgakukundisai naʋaʋeŋgi here? Nokuti Mŋari unesimba rokuɓatsira nerokukundisa.

9Ipapo Amazia akati kumunhu waMŋari: Ɀino ticaita seiko pamsoro pamatarenta anezana andakapa pfumo raʋaIsraeri? Munhu waMŋari akapindura, akati: Jehova unogona kukupai ɀinopfuʋura iɀoɀo kwaɀo.

10Ipapo Amazia akaʋaraʋura, iro pfumo rakaŋga raʋuya kwaari ricibva kwaEfraimi, kuti ʋadzokere ɀe kumusha; nemhaka iyo ʋakatsamŋira Juda kwaɀo, ʋakadzokera kumusha ʋatsamŋa kwaɀo.

11Ɀino Amazia akatsuŋga mŋoyo, akatuŋgamirira ʋanhu ʋake, akaenda kuMupata woMunyu, akaʋuraya ʋana ʋaSeiri ʋaneɀuru ɀinegumi.

12Ʋana ʋaJuda ʋakatapa ʋaneɀuru ɀinegumi ʋari ʋapenyu, ʋakaenda naʋo pamsoro peɗombo, ʋakaʋakandira pasi paɗombo, ʋakavunikanya ʋose.

13Asi ʋarume ʋehondo ʋakaŋga ʋadzoswa naAmazia, kuti ʋarege kundorwa naye, ʋakandowira maguta aJuda, kubva paSamaria kuȿikira paBeti‐horoni, ʋakaʋuraya ʋanhu ʋaneɀuru ɀitatu kwaʋari, ʋakapambara ɀizhinji.

14Ɀino Amazia wakati acidzoka pakuʋuraya ʋaEdomi, akaʋuya naʋamŋari ʋaʋana ʋaSeiri, akaʋaita ʋamŋari ʋake, akaʋafugamira, nokuʋapisira ɀinonhuwira.

15Saka Jehova wakatsamŋira Amazia, akatuma muprofita kwaari; iye akati kwaari: Wakabvunzireiko ʋamŋari ʋaʋanhu ʋakakoniwa kurwira ʋanhu ʋaʋo pamaʋoko ako?

16Ɀino wakati acataura naye, mambo akati kwaari: Takakuita gurukota ramambo here? Nyarara, ucaʋurayirweiko? Ipapo muprofita akanyarara, asi wakati: Ndinoziʋa kuti Mŋari unofuŋga kukuparadza, nokuti wakaita iɀoɀi, ukasaterera ɀandakakuraira.

17Ipapo Amazia mambo waJuda akatȿaka zano, akatuma kunaJoashi mŋanakomana waJehoahazi, mŋanakomana waJehu, mambo waIsraeri, akati: Ʋuya, tirwe.

18Joashi mambo waIsraeri akatuma shoko kunaAmazia mambo waJuda, akati: Rukato rwakaŋga ruri paRebanoni rwakatuma shoko kumusidari wakaŋga uri paRebanoni, rukati: Ipa mŋanakomana waŋgu mukunda wako aʋe mukadzi wake; ɀino imŋe mhuka yakaŋga iri paRebanoni ikapfuʋura’po, ikatsika‐tsika rukato.

19Iwe unoti: Tarira wakunda Edomi; ɀino mŋoyo wako waʋa namanyawi, woɀikudza; gara hako ɀino kumusha kwako; nokuti ucatȿakireiko njodzi, uwire’mo, iwe naJuda pamŋe cete newe?

20Asi Amazia wakaramba kunzwa; nokuti ɀakaŋga ɀicibva kunaMŋari, kuti aʋaise mumaʋoko aʋaʋeŋgi ʋaʋo; nokuti ʋakaŋga ʋateʋera ʋamŋari ʋaEdomi.

21Naiɀoɀo Joashi mambo waIsraeri akaenda; iye naAmazia mambo waJuda ʋakarwa paBeti‐shemeshi riri paJuda.

22Juda ʋakakundwa naIsraeri, mumŋe nomumŋe akatizira kutente rake.

23Joashi mambo waIsraeri akasuŋga Amazia mambo waJuda, mŋanakomana waJoashi, mŋanakomana waJehoahazi, paBeti‐shemeshi, akaenda naye Jerusarema, akaputsa ruȿiŋgo rweJerusarema, kubva pasuʋo raEfraimi kusikira pasuʋo rapakona, makubiti anamazana manna.

24Akatora ndarama yose nesirveri, nemidziyo yose yakawanikwa mumba maMŋari kunaObedi‐edomi, nefuma yomumba mamambo, naʋanhu kuzoʋa ruɓatso, akadzokera Samaria.

25Ɀino Amazia mŋanakomana waJoashi mambo waJuda wakagara ari mupenyu makore anegumi namashanu shure kwokufa kwaJoashi mŋanakomana waJehoahazi mambo waIsraeri.

26Ɀino mamŋe maɓasa aAmazia, okutaŋga nookupedzisira, tarirai, haana‐kunyorwa here mubuku yamadzimambo aJuda naIsraeri?

27Ɀino kubva paŋguʋa yakarega Amazia kuteʋera Jehova, ʋakamuraŋgana, ʋakamumukira paJerusarema; iye ndokutizira Rakishi; asi ʋakatuma ʋanhu Rakishi ʋacimuteʋera, ʋakamuʋurayira’po.

28Ʋakaʋuya naye pamabiza, ʋakamuʋiga kumadziɓaɓa ake muguta raJuda.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help