Mapisarema 26 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Davidi unokumbira kuti Jehova amururamisire.Pisarema raDavidi.

1Nditoŋgerei Jehova, nokuti ndakafamba nokusanyeŋgera kwaŋgu;

Ndakaʋimba ʋo naJehova ndisiŋganyunyuti.

2Ndinɀerei Jehova, ndiidzei,

Natsai itȿo dzaŋgu nomŋoyo waŋgu.

3Nokuti ʋunyoro bgenyu ʋuri pamberi pameso aŋgu,

Ndakafamba muɀokwaɗi yenyu.

4Handina‐kugara naʋanhu ʋenhema,

Handiŋgafambidzani naʋanyeŋgeri.

5Ndinoʋeŋga ʋuŋgano yaʋanoita ɀakaipa,

Handiŋgagari naʋatadzi.

6Ndicashambidza maʋoko aŋgu ndisinemhoȿa;

Ndigopoteredza artari yenyu saiɀoɀo, Jehova.

7Kuti ndiparidze nenzwi rokuʋoŋga,

Ndiʋudze ʋanhu ɀamaɓasa enyu ose anoshamisa.

8Jehova, ndinoɗa ʋugaro bgeimba yenyu,

Nenɀimbo panogara kubginya kwenyu.

9Regai kusaŋganisa mŋeya waŋgu pamŋe cete naʋatadzi,

Noʋupenyu bgaŋgu naʋateʋuri ʋeropa;

10Ʋakaɓata ɀakashata pamaʋoko aʋo,

Ruʋoko rwaʋo rworudyi ruzere nefufuro.

11Asi kana ndiri’ni ndicafamba nokusanyeŋgera kwaŋgu;

Ndidzikinurei, mundinzwire tsitsi.

12Rutsoka rwaŋgu rumire pakati cecetere;

Ndicarumbidza Jehova paʋuŋgano.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help