Ɀireʋo 18 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

1Unoɀiparadzanisa naʋamŋe, unoŋgotȿaka kuɗa kwake,

Unorwa noʋucenjeri bgose kwabgo.

2Ƃenzi harifariri kunzwisisa,

Asi kuti mŋoyo waro ufukurwe.

3Kana wakaipa aciȿika, kuɀidza kwaȿika ʋo;

Pamŋe cete neɀinonyadzisa, kushoʋora kunoʋuya ʋo.

4Mashoko omuromo womunhu akaita semvura yakadzika;

Sorukoʋa runoyerera, setsime roʋucenjeri.

5Kutsaura wakaipa haɀina‐kunaka;

Kana kuramba wakarurama pakutoŋga.

6Miromo yeɓenzi inoʋuyisa kukakaʋara;

Muromo waro unoɗana kurobga.

7Muromo weɓenzi ndiko kuparadzwa kwaro;

Miromo yaro musuŋgo womŋeya waro.

8Mashoko omuceri akaita seɀimeɗu ɀinozipa,

Ɀinoɓurukira mukati‐kati momuʋiri.

9Naiye unoʋusimbe pakuɓata kwake,

Munuŋuna womuparadzi.

10Zita raJehova inhare yakasimba;

Wakarurama unoʋaŋgira’mo ndokuceŋgetwa.

11Fuma yomufumi ndiwo musha wake wakasimba,

Ʋuye soruȿiŋgo rurefu pakufuŋga kwake.

12Mŋoyo womunhu unoɀikudza kuparadzwa kusati kwaȿika;

Kuɀininipisa kunotaŋgira kukudzwa.

13Unopindura asati anzwa,

Ɀicaʋa kwaari ʋupenzi nokunyadziswa.

14Mŋeya womunhu unomusimbisa pakurwara kwake;

Asi mŋeya wakaputsika uŋgamutswa nani?

15Mŋoyo wowakacenjera unowana ziʋo;

Nzeʋe yowakacenjera inotȿaka ziʋo.

16Cipo comunhu cinomuwanira nɀimbo,

Cinomuisa pamberi paʋakuru.

17Unotaŋga kutambirwa mhaka yake uneŋge wakarurama;

Asi wokwake unoȿika womuferefeta.

18Mijenya inogumisa kukakaʋara;

Inotema cireʋo pakati paʋanesimba.

19Hama yatadzirwa inopfuʋura guta rakasimba;

Kukakaʋara kwakafanana neɀipfigiso ɀeimba yamambo.

20Ƌumbu romunhu rinogutiswa neɀiɓereko ɀomuromo wake;

Ucagutiswa neɀakawanda ɀemiromo yake.

21Rurimi runesimba pamsoro porufu noʋupenyu;

Ʋanoruɗa ʋacadya ɀiɓereko ɀarwo.

22Wawana mukadzi wawana cinhu cakanaka,

Waʋigirwa nyasha yaJehova.

23Murombo unokumbira acinyeŋgetera;

Asi mufumi unopindura nehasha.

24Munhu uneshamŋari zhinji unoparadzwa;

Asi shamŋari iri’ko inonamatira kupfuʋura hama.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help