Mapisarema 46 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Mŋari ʋutiziro bgeɗu.Kumutuŋgamiriri wokuimba; Pisarema raʋanakomana ʋaKora; nomuimbirwe weAramoti. Rwiyo.

1Mŋari ndiye ʋutiziro bgeɗu nesimba reɗu,

Ndiye muɓatsiri uri pedyo‐pedyo paŋguʋa dzokumanikidzwa.

2Saka hatiŋgatyi, kunyaŋge nyika ikashanduka,

Ʋuye kunyaŋge makomo akabviswa akaiswa mukati mamakuŋgwa;

3Kunyaŋge mvura zhinji yawo ikatinhira nokumutswa,

Kunyaŋge makomo akaɗeɗera nokupupuma kwawo.

4Rwizi ruri’po, runehoʋa dzinofadza guta raMŋari,

Iyo nɀimbo tȿene yetabernakeri dzoWokumsoro‐soro.

5Mŋari uri mukati maro; hariŋgazunuŋguswi;

Mŋari ucariɓatsira kana ʋutoŋga bgotȿuka.

6Ʋahedeni ʋakaita ɓope, ʋushe bgakazunuŋguswa;

Wakataura nenzwi rake, nyika ikanyauka.

7Jehova wehondo une’su;

Mŋari waJakobo inhare yeɗu.

8Ʋuyai muʋone maɓasa aJehova,

Ɀishamiso ɀaakaita panyika.

9Unogumisa kurwa kuȿikira pakuguma kwenyika;

Unovuna ʋuta, nokuvuna‐vuna pfumo;

Unopisa ŋgoro dzokurwa nomŋoto.

10Nyararai, muziʋe kuti ndini Mŋari;

Ndicaʋa mukuru pakati paʋahedeni, ndicaʋa mukuru panyika.

11Jehova wehondo une’su;

Mŋari waJakobo inhare yeɗu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help