1Heɀi ɀandakaratidzwa naShe Jehova: Tarira, wakaʋumba mhashu, maɓukira okupedzisira acitaŋga kuɓukira; tarirai, akaŋga ari maɓukira okupedzisira kuceka kwamambo kwapera.
2Ɀino dzakati dzapedza kudya ʋuswa bgenyika, ndikati: Haiwa, Ishe Jehova, cikaŋganwirai henyu; Jakobo uŋgamira seiko, ɀaari muɗuku?
3Jehova akaɀidya mŋoyo pamsoro pecinhu ici, Jehova akati: Haɀiŋgaitwi.
4Heɀi ɀandakaratidzwa naShe Jehova: Tarirai, Ishe Jehova wakaɗana mŋoto kuti arwe nawo; ukapedza guŋgwa rakadzika, ukaʋaʋarira kudya nenyika ʋo.
5Ipapo ndikati: Haiwa, Ishe Jehova, ciregai henyu; Jakobo uŋgamira seiko, ɀaari muɗuku?
6Jehova akaɀiɗemba pamsoro pecinhu ici, Ishe Jehova akati: Neɀiɀi ʋo haɀiŋgaitwi.
7Heɀi ɀaakandiratidza: Tarirai, Ishe wakaŋga amire pamadziro akaŋga akaitwa norwonzi rwokuyera narwo, akaɓata rwonzi rwokuyera muruʋoko rwake.
8Jehova akati kwandiri: Amosi, unoʋoneiko? Ini ndikati: Rwonzi rwokuyera narwo. Ɀino Ishe akati: Tarirai, ndicaisa rwonzi rwokuyera pakati paʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri, handicatoŋgoʋaɗariki ɀe;
9nɀimbo dzakakwirira dzaIsaka dzicaitwa matoŋgo, ʋuye nɀimbo tȿene dzaIsraeri dzicaparadzwa; ndicamukira imba yaJeroboami nomunondo.
Amazia unoramba shoko raAmosi paBeti‐eri.10Ɀino Amazia muprista weBeti‐eri wakatuma nhume kunaJeroboami mambo waIsraeri, aciti: Amosi wakaraŋgana pakati peimba yaIsraeri kukuʋurayai; nyika haigoni kufara namashoko ake ose.
11Nokuti Amosi unoti: Jeroboami ucaʋurawa nomunondo, Israeri ʋacatapxa ɀirokwaɀo ʋacibviswa panyika yaʋo.
12Amazia akati ʋo kunaAmosi: Iwe muʋoni, enda, utizire kunyika yaJuda, undodya’po ɀokudya, uprofite’po;
13asi urege kuzoprofita ɀe paBeti‐eri; nokuti inɀimbo tȿene yamambo, iimba yamadzimambo.
14Ipapo Amosi akapindura, akati kunaAmazia: Ini ndakaŋga ndisi muprofita, ndakaŋga ndisi mŋanakomana womuprofita; asi ndakaŋga ndiri mufudzi nomurimi wemiʋonde,
15Jehova akanditora ndiciteʋera makwai, Jehova akati kwandiri: Enda, undoprofita kuʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri.
16Ɀino iwe cinzwa shoko raJehova: Iwe unoti: Rega kuprofita pamsoro paIsraeri, rega kuɗonhedza shoko pamsoro peimba yaIsaka;
17naiɀoɀo ɀanzi naJehova: Mukadzi wako ucaʋa cifeʋe muguta, ʋanakomana ʋako naʋanasikana ʋako ʋacaparadzwa nomunondo, ʋuye nyika yako icaganhurwa norwonzi rwokuyera narwo; iwe umene ucafira munyika isakanaka, ʋuye ʋaIsraeri ʋacatapxa ɀirokwaɀo ʋacibviswa panyika yaʋo.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.