Amosi 7 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Muprofita unoratidzwa mhashu nomŋoto norwonzi rwokuyera narwo.

1Heɀi ɀandakaratidzwa naShe Jehova: Tarira, wakaʋumba mhashu, maɓukira okupedzisira acitaŋga kuɓukira; tarirai, akaŋga ari maɓukira okupedzisira kuceka kwamambo kwapera.

2Ɀino dzakati dzapedza kudya ʋuswa bgenyika, ndikati: Haiwa, Ishe Jehova, cikaŋganwirai henyu; Jakobo uŋgamira seiko, ɀaari muɗuku?

3Jehova akaɀidya mŋoyo pamsoro pecinhu ici, Jehova akati: Haɀiŋgaitwi.

4Heɀi ɀandakaratidzwa naShe Jehova: Tarirai, Ishe Jehova wakaɗana mŋoto kuti arwe nawo; ukapedza guŋgwa rakadzika, ukaʋaʋarira kudya nenyika ʋo.

5Ipapo ndikati: Haiwa, Ishe Jehova, ciregai henyu; Jakobo uŋgamira seiko, ɀaari muɗuku?

6Jehova akaɀiɗemba pamsoro pecinhu ici, Ishe Jehova akati: Neɀiɀi ʋo haɀiŋgaitwi.

7Heɀi ɀaakandiratidza: Tarirai, Ishe wakaŋga amire pamadziro akaŋga akaitwa norwonzi rwokuyera narwo, akaɓata rwonzi rwokuyera muruʋoko rwake.

8Jehova akati kwandiri: Amosi, unoʋoneiko? Ini ndikati: Rwonzi rwokuyera narwo. Ɀino Ishe akati: Tarirai, ndicaisa rwonzi rwokuyera pakati paʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri, handicatoŋgoʋaɗariki ɀe;

9nɀimbo dzakakwirira dzaIsaka dzicaitwa matoŋgo, ʋuye nɀimbo tȿene dzaIsraeri dzicaparadzwa; ndicamukira imba yaJeroboami nomunondo.

Amazia unoramba shoko raAmosi paBeti‐eri.

10Ɀino Amazia muprista weBeti‐eri wakatuma nhume kunaJeroboami mambo waIsraeri, aciti: Amosi wakaraŋgana pakati peimba yaIsraeri kukuʋurayai; nyika haigoni kufara namashoko ake ose.

11Nokuti Amosi unoti: Jeroboami ucaʋurawa nomunondo, Israeri ʋacatapxa ɀirokwaɀo ʋacibviswa panyika yaʋo.

12Amazia akati ʋo kunaAmosi: Iwe muʋoni, enda, utizire kunyika yaJuda, undodya’po ɀokudya, uprofite’po;

13asi urege kuzoprofita ɀe paBeti‐eri; nokuti inɀimbo tȿene yamambo, iimba yamadzimambo.

14Ipapo Amosi akapindura, akati kunaAmazia: Ini ndakaŋga ndisi muprofita, ndakaŋga ndisi mŋanakomana womuprofita; asi ndakaŋga ndiri mufudzi nomurimi wemiʋonde,

15Jehova akanditora ndiciteʋera makwai, Jehova akati kwandiri: Enda, undoprofita kuʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri.

16Ɀino iwe cinzwa shoko raJehova: Iwe unoti: Rega kuprofita pamsoro paIsraeri, rega kuɗonhedza shoko pamsoro peimba yaIsaka;

17naiɀoɀo ɀanzi naJehova: Mukadzi wako ucaʋa cifeʋe muguta, ʋanakomana ʋako naʋanasikana ʋako ʋacaparadzwa nomunondo, ʋuye nyika yako icaganhurwa norwonzi rwokuyera narwo; iwe umene ucafira munyika isakanaka, ʋuye ʋaIsraeri ʋacatapxa ɀirokwaɀo ʋacibviswa panyika yaʋo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help